Anozora-zora mukadzi mishonga yechivanhu
Yvonne Chipato MUMWE mukadzi anoti murume wake anochengera zvikuru zvekuti anogara achimuzora mishonga yechivanhu muviri wake wose senzira yekuti asapfimbwe nevamwe varume.
Chitunha chakaenda nezvehusiku
Kingstone Mapupu KWASHE Negomo, kuChiweshe kwakaitika manenji apo guva rainge ravigwa chitunha chemwana rakafuma rakafukunurwa, mutumbi ndokutorwa ukaenda kusati kwazivikanwa, ndokusara mangova nemachira chete.
Tsvagai nzvimbo nenguva: Dokora
Shein Kanyumwa GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti vabereki vatsvage nzvimbo dzevana dzechikoro dzakaita sedzeGrade 1 nguva ichiripo kwete kuzomhanya-mhanya nguva yapera.
Guva remutorwa riri pamusiwo wechitoro
Kingstone Mapupu MURUME ane bhizimusi paMagunje, kuHurungwe anoti ashaiswa rugare neguva remunhu mutorwa iro riri chipo chepamusiwo wechitoro chake.
‘Dzoserai zvikwereti kumabhanga’
Kingstone Mapupu VARIMI vanokwereta mari dzekurimisa kubva kumabhanga, makambani nemasangano akasiyana vakakurudzirwa kuti vadzosere zvikwereti zvavanenge vatora kuitira kuti mabasa ekurima arambe achisimukira.
Akanorasira kasvava pachitoro
Shamiso Kufaruwenga MUKADZI wekubva kuMasvingo ndokunorasira mwana wake kasvava pane chimwe chitoro chiri kuBeatrice, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu.
President vakarumbidza mauto, magamba
ZIMBABWE neMuvhuro neChipiri svondo rino yakarangarira magamba (Heroes Day) nemauto (Zimbabwe Defence Forces Day), ayo anova mazuva akakosha zvikuru munhoroondo yenyika.
Cazorla haasi kuenda
MUTAMBI weArsenal, Santi Cazorla, anoti haasi kuzobva kuchikwata ichi achidzokera kunotambira nhabvu yake kuSpain mwaka uno.
‘Hatimborambana, sungira imbwa yako’
Daphne Machiri VAMWE vakadzi vaviri vakakandirana mashoko makobvu nematete mudare vachirwira murume apo mumwe nemumwe aiti ndewake.
Nettleton: varimi vemangwana
Malven Mugadzikwa VANA vepachikoro cheNettleton Junior School, muHarare svondo rapera vakashanyirwa purazi reNew Donnington Farm, kuNorton nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo zvavo zvekurima.










