Shasha yekudhirowa paEastridge Primary
PAKANGE pasingadanwe anonzwa pachikoro cheEastridge Primary School, muHarare, nguva pfupi yadarika apo vana vakaita makwikwi ekudhirowa mifananidzo yakasina-siyana.
ZivaL: IBVA WAZVIZIVA – Simudzai Mureza weZimbabwe –
MUSHAKABVU VaSolomon Mangwiro Mutswairo, avo vakaberekwa mugore ra1924, ndivo vakanyora mazwi erwiyo rwenyika yeZimbabwe rwunonzi “Simudzai Mureza weZimbabwe”. VaMutswairo ndivozve vakava mutema wekutanga kunyora bhuku renganonyorwa rinonzi Feso mururimi rwechiShona.…
O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Vana Revai vanosvika kwaMachingauta
CHITSAUKO 6 (Ongororo: Enderero mberi) Chiremba anoona kuti vakanganisa zvikuru zvichazovapinza munataisireva nekuronda kwavaita Revai saka
Mukadzi ‘okanikwa’ nezvipanera
Arnold Kaseke ZVIPANERA zvinozivikanwa nekuitiswa mabasa akaita sekugadzirisa motokari kana magejo. Asi mumwe mukadzi akaendesa murume wake kudare achiti anogara achimutuka nekumuvimbisa kuti achamuuraya nezvipanera.
Vorwira tsvina yemuchimbuzi
Arnold Kaseke HANZVADZI nehanzvadzi vakaendesana kumatare edzimhosva vachinetsana nenyaya yekusashandisa chimbuzi zvakanaka.
Vakambotambira Caps votaura
Abel Ndooka VAMWE vevatambi vakambotambira CAPS United vakaita mukurumbira vari kuti vanodawo kupihwa mukana wekurairidza chikwata ichi pane kuti chingotora varairidzi kubva kune vaimbova vatambi vezvimwe zvikwata.
Zim yakahwina
Abel Ndooka CHIKWATA cheZimbabwe Korfball chakahwina menduru yesirivha svondo radarika kumutambo weIFK All African Championship uyo wakatambirwa kuZambia.
‘Anondityisidzira nerufu’
Malven Mugadzikwa CHIREVO chinoti, “Mvura yemubvumbi tiza ichiri kure” chakazadzikiswa nemumwe murume uyo akanopotera kudare achiti mudzimai wake anogara achimuvimbisa kuzviuraya pamwe chete nemwana wavo nekuda
Varimi vefodya vowanda
Kingstone Mapupu HUWANDU hwevarimi vatsva vakanyoresa kurima fodya mwaka uno hwakawedzera kubva pa91 278 mwaka wadarika kusvika 106 456 apo vakawanda vacho vanonzi ndeve kumaruwa.
Bale oda mukombe
SHASHA yemutambo wenhabvu inotambira chikwata cheReal Madrid, Gareth Bale, oti ari kushuvira kuhwapura mikombe yakawanda zvine mutsindo mwaka uno.






