Ticha ane vana ‘jahwi’
MURAIRIDZI wekuita gurumwandira revana vanosvika 13 akazochechuka adhonzerwa kudare nemumwe mukadzi achida mari yekuchengeta vana.
Makoreji otatsurana
SANGANO reZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union richasangana svondo rino paMidlands State University kuGweru apo richange richironga chikwata chenyika chinotarisirwa kuzonokwikwidzwa kumutambo weConfederation
Mukadzi wemapoto ochema-chema
MUKADZI wekuchaya mapoto nemurume wemunhu, pashure ndokuzosiiswa basa paaishanda sezvo akaramba ongopihwa pamiviri, akachema-chema mudare achida kuti mari yemendenenzi iwedzerwe.
Makwishu kuBrazil
ACHANGE ari makwishu svondo rino kuBrazil uko kuri kutambirwa mutambo weFIFA World Cup apo zvikwata zvisere zvasara mumutambo uyu zvichange zvichibandana muquarter-final.
Zim yonanga Cyprus
CHIKWATA cheBeach Volleyball chenyika chevakomana muboka reUnder-21 chiri kutarisirwa kuenda kuCyprus uko chichanokwikwidza kumutambo weWorld Under-21 Beach Volleyball Championship.
‘Handisi wemapoto, akatondiroorawo’
MUKADZI wekudhonzera murume wake kudare nenyaya yemendenenzi akachema-chema achiti havasi kuchaya asi kuti vakaroorana zviri pamutemo nekudaro zvinomunetsa kuti sei murume uyu, uyo achena musoro, asingade
Hutsanzi ngahuve hunovaka nyika, kwete kuparadza
ZIMBABWE inozivikanwa zvikuru pasi rose munyaya dzedzidzo sezvo iri iyo iri pamusoro munyika dzemuAfrica yose kana pari pakugona kunyora nekuverenga. Kana pari pakushandisa njere nehunyanzvi, hakuna nyika ingati
Bhizimusi renhabvu rakaoma: Mubaiwa
SACHIGARO weDynamos FC, Kenny Mubaiwa, anoti chikwata chavo chiri muhurukuro nekanzuru yeHarare kuti chikwanise kudzokera kunoshandisa nhandare yeRufaro Stadium mumitambo yemuligi zvichitevera kudzikira
MaYouth Games ave pedyo nekutanga
GADZIRIRO dzemaNational Youth Games dzava padanho rekupedzisira apo mapurovhinzi mazhinji, kusanganisira Harare, akatosarudza zvikwata zvichanoamirira kuMasvingo uko kuchange kuine makwishu aya.
Mutambo wokanzurwa
SANGANO reZimbabwe Cricket rakazivisa kuti mutambo wechikwata cheZim A neBangladesh uyo waifanirwa kutambwa muna Chikunguru wakakanzurwa zvichitevera chikumbiro chakabva kuBangladesh kuti uzotambwe




