SDA ngaive nevabereki vepachikoro: Dokora

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, vanoti nhengo dzemasangano anomirira vabereki muzvikoro, emaSchool Development Committees (SDAs), vanofanira kuve vabereki kana vachengeti vevana vanenge vachidzidza pazvikoro izvi.

Cde Dokora vakataura izvi svondo rapera mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo waSenator Damian Diamond Mumvuri, avo vanomirira dunhu reMashonaland Central mudare iri. Sen Mumvuri vaida kuziva mutemo webazi iri maringe nevanhu vanokwanisa kuve nhengo dzeSDA vachiti mune zvimwe zvikoro vamwe vanhu inhengo dzemasangano aya asi vasisina vana vanenge vachidzidza pazvikoro zvavanomirira.

“Mutemo ndewe kuti nhengo dzemakomiti aya vanenge vari vabereki kana vachengeti vevana vanenge vari pazvikoro izvozvo,” vakadaro.

Cde Dokora vakati kune zvimwe zvikoro zviri pasi pemakereke, makambani akazvimirira nezvimwe izvo zvinotungamirirwa nemabhodhi emagavhuna (board of governors).

Vakati mabhodhi aya anogona kuve nenhengo dzinenge dzisina vana vanodzidza pazvikoro zvavanotungamirira uye chavo kutungamirira chete sezvo zvimwe zvose zvakaita sebasa rinoitwa zuva nezuva pachikoro zvinenge zviri pasi pemaSDAs.

Mukuru wemadzishe munyika, Mambo Fortune Charumbira vakati nerimwe zuva vakanzwa mumwe mufundisi weimwe chechi achiti chimwe chikoro ndechake uye ane simba rekudzinga vana vanenge vasina kubhadhara mari yechikoro.

Vachipindura, Cde Dokora vakati mufundisi uyu haana simba rekudzinga vana vechikoro vanenge vasina kubhadhara mari uye vakakumbira Mambo Charumbira kuti vavaturire nyaya iyi zvizere kuti vagotora matanho akafanira.

“Chikoro ichocho chiri kushanda nekuti Hurumende, kuburikidza nebazi redzidzo, yakachipa simba rekuti chishande asi vanofanira kuziva kuti zvikoro izvi zvinotungamirirwa neHurumende uye Hurumende ndiyo iri pamusoro-soro munyaya yekufambiswa kwebasa muzvikoro zvose,” vakadaro Cde Dokora.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×