‘Ndinosema murume wangu’

MUDZIMAI ari kusvikirwa nemweya wengozi yemunhu akapondwa mudzinza ravo kwaMujinga, kuHurungwe, anoti haachakwanisa kupinda mumachira nemurume wake kuburikidza nekuti ngozi iyi ndeyechirume, nekudaro haidi kuti agumhwe nemurume wake.

Beatrice Mukumba (26), wepapurazi reAldhonyo, kuTengwe, anoti imba yake yava kuparara nekuda kwenyaya yengozi iyi.

Achitaura mushure mekunge afefemuka kubva mukumbobatwa nemweya uyu, mukadzi wechidiki uyu akati haachambonzwa kuda murume wake.

“Ndinonzwa kusada murume wangu, uye akatowana zvaanoda ndinonzwa hasha. Ipapo ndinenge ndiri murume saiye, tinobva tatanga kurwa zvekuti upenyu hwedu kugara tichirwa. Ndinomusema saka murume wangu semunhu anodawo mukadzi, anoguma ave kuti ko zvino ndizvo zvandakakuroorera here,” akadaro Beatrice.

Akarumbidza murume wake nekuramba ainaye achiti ane moyo murefu nekuda kwezvinoitika kwaari.

Beatrice mudzimai waDouglas Chipomwe, uyo waanoti akatobuda basa kuHarare nekuda kwedambudziko remweya wengozi uyu, kuti vanogara vose kumusha.

“Murume wangu anobva kuZvipani, takatosvika pakutama tikanogara nevabereki vangu. Kana basa akabuda uye ngozi iyi dai yaripwa ndagara nemurume wangu zvakanaka,” akadaro Beatrice uyo akange amboumburuka pasi mweya uyu wakamubata.

Anoti anorota achishinha nemurume anonzi akapondwa uyu, Kapuru Murandakumwe Machaya, zvisinei kuti iye haana kumbobvira amuona ari mupenyu.

“Mumba umu tinenge tiri varume vaviri, ndakapedzisira kurara pamwe chete nemurume wangu kare. Akangowana zvaanoda kuita neni mweya uyu unobva wasvika iye obva atya, kana kuti ini ndinotsika madziro tobva tarwa.”

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×