Mhando dzembeu yefodya

SVONDO rapera sangano reZimbabwe Tobacco Seed Association rakapa varimi yambiro pamusoro pemhando mbiri dzembeu dzefodya yeVirginia – KRK26 neT72 – idzo dzinopa goho guru kana dzikatangidzirwa kurimwa.

Murimi okururudzira magreen houses

MURIMI wechidzimai wekuMhondoro ane mukurumbira wekurima matomatisi okurudzirwa vamwe kuti vashandise mipanda yemagreen houses kuti zvirimwa zvavo zvikurumidze kukura uye zviri zvemhando

Vaimbove vashandi voda minda

VAMWE vevaimbova vashandi vepamugodhi wakavhara weShackleton kuChinhoyi vanosvika 2 000 vochemerawo kupihwa minda sezvo vasisina kwekushanda kuti vawane raramo.

Caps United ichadya Dynamos rinhi?

MUKURU, mukuru hanga haigare pfunde, aya ndiwo mashoko akataurwa nasachigaro weDynamos FC ‘DeMbare’ — Kenny Mubaiwa — apo aitaura pamusoro pekukundikana kweCAPS United kukunda chikwata chavo mumitambo

Zengeza 8 yakadadisa

MUMWE mwana wechikoro anodzidza paZengeza 8 Primary School, kuChitungwiza, uyo akanomirira Zimbabwe mumutambo wediscus kumakwikwi eConfederation of School Sports Association of Southern Africa kuBotswana

Makambani ngaatsigire nhabvu: Shamu

GURUKOTA rinoona nezvemishina yekufambiswa kwemashoko neposvo, Cde Webster Shamu, vanoti zvakakosha kuti makambani akasiyana-siyana atsigire nhabvu uye kuti vatambi vemunyika muno vawane raramo kuburikidza

G-teL yokotsvera nhabvu yevechidiki

KAMBANI inogadzira nharembozha yeG-TeL svondo radarika yakapa mayunifomu enhabvu pamwe nemabhora kuzvikoro zvinomwe zvepuraimari zviri pasi peZimbabwe Republic Police nechinangwa chekusimudzira mutambo

Foromani weZesa oramba mwana

Yvonne Chipato FOROMANI wekambani yemagetsi, yeZesa Holdings, wekuedza kuramba mwana wake mudare senzira yekuda kunzvenga kubhadhara mendenenzi, akanzi abvise $100 pamwedzi nemari yechikoro patemu achimirira kuti paitwe

Mapurisa oendesana kudare

Yvonne Chipato MUPURISA akaendeswa kudare nemukadzi wake uyo waanoita basa rimwe chete naye achinzi haasi kuchengeta mwana wake mushure mekunge atiza pamba.

Kudanana nemwana kwakamuparira

SAIMBA wekumanikidza kasikana kane makore 16 okuberekwa, ako aidanana nako, kupinda pabonde akaigochera pahutsi sezvo akatongerwa kunogara mujeri kwegore rose nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

×