‘Tava panguva yakaoma’

Muchaneta Chimuka
CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chakanganisa zvakanyanya mabasa emadzimai anorarama nekuhodha zvinhu kunze kwenyika vachizozvitengesa muno zvichitevera kuvharwa kwakaitwa miganhu yenyika nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Vachitaura pachirongwa chaitsigirwa nesangano reZimbabwe Women’s Bureau svondo rapera, madzimai anoita mabasa ekunohodha kunze kwenyika vanoti mabhindauko avo adzoserwa kumashure nekuda kwechirwere ichi.

Tamisa Katini-Zivanai — uyo anova sachigaro weGarikai Fruit and Vegetables — anoti kuvharwa kwemiganhu kwavasiya panguva yakaoma.

“Tapedzisira tashandisa mari dzatainge takachengeta kwemwedzi yose iyi zvekuti hapasisina pekutangira. Asi tinoramba tichikomekedza vamwe vedu kuti ngatitevedzerei zvinodiwa neveutano kuti tirwise Covid-19 nekuti kana ikadzoka zvine mutsindo, mabasa edu anotozonyanya kugwadama. Kugara mumba vanhu makangotarisana hakukomborere,” anodaro.

Eunice Mapaike wekuHatcliffe, muHarare — uyo anotengesa chikafu chaanohodha kuSouth Africa — anoti Covid-19 yakakanganisa bhizimusi rake zvakanyanya.

“Zviri kunetsa kuti ndisimuke nekuti vanhu havasati vave nemari. Pamari yandaiwana mukutengesa, ndiyo yandinobhadhara nayo mari yechikoro nezvimwe zvinodiwa. Saka handichina mari kwayo yekuti ndidzokere mubhizimusi, kusanganisira yekufambisa kuti ndinohodha. Covid-19 yakatigura kunorira,” anodaro.

Mapaike anoti zvinovanetsa kuti vanokwereta kumabhanga sezvo kuchidiwa zvibatiso uye mukana uyu unopihwa kune vane mabhizimusi akati tsvetere.

“Isu tiri vanhu vanoshanda muchikamu che’informal traders’ uye kumabhanga vanoda zvinhu zvakajeka sekuti kana uine imba iri muzita rako. Saka kuti timutsiridze mabasa edu ayo akadonhedzwa neCovid-19, zvava kutiremera. Vazhinji vava kutopona nekuita mikando,” anodaro.

Rutendo Ncube wekuBulawayo anotiwo aisinohodha kuSouth Africa neBotswana, asi iko zvino zvava kunetsa nekuti pamiganhu yenyika pava kuitwa ongororo yakasimba.

“Tiri kuronga kuti tichitoshandisa zvimota zvevanonotihodhera tiri zvikwata kuti zvitirerukire pakufamba, asi dambudziko rana‘malayitsha’ nderekuti vava kudhura samare. Pamusoro peizvi, hazvichakwanisika kuti vanhu vaende kunohodha midziyo nehuwandu hwayo sakare,” anodaro.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *