Kukanga nyama yehwai
Muchaneta Chimuka NYAMA yehwai inonaka zvikuru kana ichinge yakaringwa zvemhando yepamusoro. Svondo rino Memory Mutandiri wekuMarondera anotsanangura mamwe mabikirwo ehusavi uhu. Zvinodiwa: Chikari, poto kana pani, nyama yehwai, hanyanisi, matomatisi,…
Bhuku idzva ‘Chabvondoka’ rokurudzira vechidiki
Malven Mugadzikwa MUNYORI wemabhuku ane mukurumbira, Aaron Chiundura-Moyo, anoti zvakakosha kuti vechidiki vadzidziswe nezvemutauro waamai wakanaka seChiShona uye nhoroondo yenyika ino. Chiundura-Moyo akataura mashoko aya mushure mekuburitsa bhuku rake idzva…
Voti mujaho we’wheelchair’ haubhadhare
Abel Ndooka SHANGWITI yemujaho wewiricheya yechidzimai — Margaret Bangajena — onyunyuta kuti mari yavanohwiniswa kumijaho yakasiyana ishoma zvikuru sezvo isingakwane kuvararamisa muhupenyu hwavo. Bangajena mumwe wemadzimai vanokwikwidza mujaho wewiricheya ane…
Pagedhi handibve: Shumba
Abel Ndooka MUBATI wepagedhi wemaWarriors neNkana FC yekuZambia — Talbert Shumba — anoti acharwa semvumba kuti agoramba achishevedzwa kuzotambira chikwata chenyika ichi mumitambo yakasiyana. Shumba ndiye aive mubati wepagedhi nemusi…
Watibaya panyama nhete, Gringo
naOscar Gwiriri Pamazuva iwayo, kana zuva iroro rasvika, Tainonokerwa nekudoka kwaro zuva. Kana zuva razopinda muna mai varo, Tainonokerwa nekutanga kwechirongwa, Tiri kwati kwati pafafitera remuvakidzani, Takavhurirwa jira zvishoma neshamwari…
Vane Covid-19 vave kuwanda
HURUMENDE inoshushikana zvakanyanya nekuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mumasvondo maviri adarika.
‘. . . ngwarirai muzvikoro’
SANGANO reCommunity Working Group on Health (CWGH) rinoti zvakosha kuti patorwe matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro.
Mambo oparidza shoko reCovid-19
Kingstone Mapupu MAMBO Chikwaka vekuGoromonzi, VaWitness Murambiwa Bungu – avo vanova zvakare mukuru wemadzishe kudunhu reMashonaland East – vanoti zvakakosha kuti vatungamiriri vave pamberi panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19. Muhurukuro neKwayedza,…
Matambudziko evakaremara
Malven Mugadzikwa VANHU vakaremara mitezo vanonzi vari kusaririra mumashure munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19 nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kusavapo kwezvinyorwa zvevanoshandisa mutauro weSign Language zviri pamusoro pedenda iri uyewo kushaikwa kwerubatsiro rwakakodzera…
Miganhu yenyika iri kuongororwa
HURUMENDE iri kuita ongororo yemamiriro akaita zvinhu isati yavhura miganhu yenyika mukati memasvondo maviri ari kutevera sezvo donzvo guru riri rekuchengetedza upenyu hwevanhu kubva kuchirwere cheCovid-19, vanodaro mutevedzeri wemutungamiri wenyika Vice President Constantino Chiwenga.











