‘Covid-19 yatiwondonga’

CHIRWERE cheCovid-19 chinonzi chakanganisa zvakanyanya mabasa emadzimai anorarama nekuhodha zvinhu kunze kwenyika achizozvitengesa muno zvichitevera kuvharwa kwakaitwa miganhu yenyika nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Varwere vazhinji vapona Covid-19

CHIKAMU chevanhu vari kupona kubva kuchirwere cheCovid-19 pari zvino muZimbabwe chiri pa92,7 percent unova mucherechedzo wekuti nyika ino iri mugwara rakanaka panyaya yekurwisa kupararira kwedenda iri.

Matsamba echikiribidi ogadzirwa

MAPURISA ari kuferefeta huwori hunonzi huri kuitwa nedzimwe nhubu dzinoshandira muzvipatara idzo dziri kupa magwaro emanyepo anoratidza kuti munhu haana chirwere cheCovid-19 (PCR Covid-19 clearance certificate) kune vanhu vanoda kufamba nzendo kana kutsvaga mabasa kunze kwenyika.

‘Kuno hatipfeke mamasiki semi’‘. . . hameno kuHarare kwenyu’

NYAYA yekupfekwa kwemamasiki nevanhu kana vari panzvimbo dzinosangana veruzhinji semumisika, zviteshi zvemabhazi pamwe chete nemumabhazi macho iri kuenda ichiderera zvisinei nekurudziro iri kugara ichiitwa neHurumende nemapoka ezveutano.

Vodzinga nzara nehurombo

SANGANO reSurvivors In Action Grassroots Women Network (SIAZ) — iro rinorwira kodzero dzevanhukadzi — riri kusimudzira madzimai ari kumatunhu akasiyana enyika muzvirongwa zvekurima nechinangwa chekuti vakwanise kudzinga nzara neurombo, zvikuru munguva ino apo nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19.

Tichapedzerana neAlgeria: Darikwa

Abel Ndooka MUTAMBI wemaWarriors neNottingham Forest yekuEngland – Tendayi Darikwa – anoti sechikwata, havasi kutya Algeria iyo yavachasangana nayo mumitambo miviri yekurwira tikiti rekuenda ku2021 Africa Cup of Nations. MaWarriors…

Vakadya nyama yemunhu

Kingstone Mapupu NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti hakuna munhu ane pfungwa dzakati kwesere anodya nyama yemunhu achinyatsoziva kunze kwevaroyi nevamwe vanobatabata mishonga yakaipa. Izvi zvinotevera kusungwa kwakaitwa vakadzi vaviri vekwaMurehwa masvondo maviri…

Makore 32 agere nenjuzu

Muchaneta Chimuka ari kuZAKA KUDUNHU reMasvingo kunonzi kwakaitika mashura zvichitevera nyaya yemunhukadzi ari kunzi akatorwa nenjuzu aine makore masere murwizi rwaRunde, ndokuzoburitswamo mwedzi wadarika aita makore 32 achigara pasi pemvura.…

Murwere akachekwa muromo, nzeve, ziso

Kingstone Mapupu MHURI yekuMvurwi, kudunhu reMashonaland Central, yakasara isina neremuromo apo baba vepo vairwara vanonzi vakangoerekana vawanikwa vakafa uye mutumbi wavo usisina rimwe ziso, nzeve nemuromo. Masaramusi aya anonzi akaitika…

Gringo akatangira muKwayedza

Abel Ndooka ENOCK Chihombori — uyo anova shasha yekunyora mitambo yemadhirama, mafirimu nemabhuku — anoti zita remadunhurirwa rekuti Gringo iro raishandiswa neshamwari yake mushakabvu Lazarus “Gringo” Boora rakabva mukatuni yaiburitswa…

×