Tandayi Motsi
CHIKAMU chevanhu vari kupona kubva kuchirwere cheCovid-19 pari zvino muZimbabwe chiri pa92,7 percent unova mucherechedzo wekuti nyika ino iri mugwara rakanaka panyaya yekurwisa kupararira kwedenda iri.
Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weChina, vanhu 8 696 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa.
Pavarwere ava, 8 060 vakatopona asi vamwe 255 vakafa.
Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vabatwa vaine chirwere ichi vanova 3 335 uye 3 143 vavo vakapona, asi vamwe 121 ndokufa.
Bulawayo iri pechipiri nevanhu 1 775 vane Covid-19 apo 1 606 vakapona, kuchiti vamwe 65 vakashaya.
“Chikamu chevarwere vari kupona munyika yose chiri pa92,7 percent,” rinodaro bazi rezveutano nekurerwa kwevana.
Pavanhu 1 086 vakavhenekwa Covid-19 nemusi weChina, 29 vavo vakawanikwa vaine coronavirus apo 28 vagara vari munyika muno uye mumwe wacho akabva kuBurundi.
Zvisinei nekuti chikamu che92,7 percent chevarwere vari kupona, Hurumende iri kushushikana kuti chikamu chevari kufa (fatality rate) chakakwira zvakanyanya kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dziri mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc).
Chikamu chevari kufa nedenda iri muZimbabwe chinonzi chiri pa2,9 percent kana zvichienzaniswa neSouth Africa, iyo ine vanhu vakawanda vari kubatwa neCovid-19 mudunhu reSadc, ine chikamu 1.4 percent chevafa.
Vanhu vafa nedenda iri kuBotswana chikamu che2 percent apo Zambia iine 2.1 percent.
Dr Agnes Mahomva — avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet — vanoti kuwanda kwevanhu vari kufa neCovid-19 muZimbabwe kunogona kukonzerwa nekuti vamwe vacho vanenge vachitambudzwa nezvirwere zvakafanana ne”hypertension”.
Kuwanda kwevanhu vari kubatwa neCovid-19 kunoratidza kuti Zimbabwe haisati yakunda hondo yekurwisa denda iri nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekumisa kupararira kwechirwere ichi.
Matanho aya anosanganisira kupfeka masiki nemazvo kana munhu achienda kunzvimbo dzinosangana veruzhinji, kusaita chitsokotsoko uye kugeza maoko nemvura nesipo.




