Muchaneta Chimuka
NYAYA yekupfekwa kwemamasiki nevanhu kana vari panzvimbo dzinosangana veruzhinji semumisika, zviteshi zvemabhazi pamwe chete nemumabhazi macho iri kuenda ichiderera zvisinei nekurudziro iri kugara ichiitwa neHurumende nemapoka ezveutano.
Kupfekwa kwemamasiki munzvimbo dzose dzinosangana veruzhinji, kugeza maoko nesipo nemvura inochururuka nekusaita chitsokotsoko zvimwe zvinonzi nenyanzvi dzezveutano zvinoderedza kutapurirana chirwere cheCovid-19.
MuZimbabwe, kutori kutyora mutemo kana munhu akaenda paruzhinji asina kupfeka masiki.
Kwayedza yakaita ongororo kunzvimbo dzakasiyana munyika pamusoro pekupfekwa kwemamasiki ikaona kuti vakawanda havasisiri kutevedza kurudziro iyi.
Svondo rapera, munyori uno akaita rwendo nebhazi rwekubva muHarare kunosvika kuZaka, kuMasvingo, nekudzoka achida kuona mamiriro enyaya iyi ndokuona vanhu vanosvika zana — kusanganisira vemabhazi nemakombi — avo vainge vari mumabhazi aakashandisa vasina kupfeka mamasiki.
Mazhinji emabhazi asiri kupfekwa mamasiki ndeayo asiri kushanda ari pasi peZUPCO anokutakurira vanhu nechekunze kwemusika wemabhazi weMbare Msika.
Munyori uno ndiwo aakashandisa — sezvo pari ipo painge pakanangana neongororo yacho.
Vazhinji vevanhu vaive mubhazi raive nemunyori uno (zita tinaro) vaingomutarisa vachishaya kuti chikonzero chei iye airamba akapfeka masiki apo kuchipisa zvakanyanya.
Kunyangwe vatengesi vemamasiki mumabhazi vakanga vasina kuapfeka zvisinei nekuti vanosangana nevanhu vakawanda panguva yavanenge vachiita mabasa avo.
“Hatimbosungwi isu vahanzvadzi, bvisai masiki iyo haina kana basa munozvinetsereiko? Honai chero mapurisa ari panze ayo, haatorina. Zvakatodarika zveCovid-19 asi dai muri mudhorobha chaimo taisungwa,” anodaro mumwe murume aive mubhazi iri achinongedzera mapurisa akange ari parodhibhuroko paBeatrice avo vainge vasinawo kupfeka mamasiki avo zvakanaka.
Vainge vakangoapfeka pamuromo nechirebvu, asi mhuno iri panze.
Masiki rinokurudzirwa kupfekwa richivhara zvakanaka muromo zvose nemhuno yemunhu.
Pamisika yemabhazi inosanganisira wepaGutu Mupandavana, Jerera Growth Point neChivamba Township yekuZaka, vanhu vaingova besanwa vachiita mabasa avo asi vasina kupfeka mamasiki.
“Kuno kumusha hakuna Covid-19 yamuri kutaura iyi, yakawandira kumadhorobha. Isu kuno tinongofamba tisina nokuti mapurisa akapedzisira kusunga vanhu kare, ndofunga pachirongwa chekutanga che“lockdown”. Vanhu kuno vanongotevedza mabira vachinwa doro vasina zvimamasiki zvenyu izvi. Kuno kuri “free” anodaro Janet Muuya wekuJerera.
Zvichakadai, mutungamiri wenyika President Mnangagwa — vachitaura vari kuBuhera uko vaivhura zviri pamutemo dhamu idzva reMarovanyati — vanoti chirwere cheCovid-19 chichirimo muZimbabwe uye veruzhinji vanofanirwa kusimba pakuchidzivirira.
Mashoko mamwe chetewo agara achitaurwa nemutevedzeri wavo, Vice President Dr Constantino Chiwenga — avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana.
Kusvika nemusi weChitatu chino, muZimbabwe mange mava nevanhu 8 667 vavhenekwa vakawanikwa vaine Covid-19 iyo inokonzerwa nehutachiona hunonzi coronavirus.
Pavarwere ava, 8 046 vakatopona asi 255 vavo vakafa.
Sangano rezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinorumbidza Hurumende yeZimbabwe nematanho airi kutora mukuona kuti chirwere cheCovid-19 — icho chisati chawanirwa mushonga wekuchirapa — chamiswa kupararira nenyika sezvachiri kuita kudzimwe nyika.
Asi zvava kutyirwa kuti chirwere ichi chinogona kunyuka kechipiri munyika muno chikaparadza upenyu hwevanhu vakawanda sezvachava kuita kudzimwe nyika sekuEurope nekuAmerica kana vagari vemuno vakavarairwa vachizvifurira kuti hachisisiko.



