Munyori weKwayedza
MAPURISA ari kuferefeta huwori hunonzi huri kuitwa nedzimwe nhubu dzinoshandira muzvipatara idzo dziri kupa magwaro emanyepo anoratidza kuti munhu haana chirwere cheCovid-19 (PCR Covid-19 clearance certificate) kune vanhu vanoda kufamba nzendo kana kutsvaga mabasa kunze kwenyika.
Izvi zvinotevera nyaya yakaburitswa nebepanhau reThe Herald inoratidza huwori huri kuitwa paChitungwiza Central Hospital neSally Mugabe Central Hospital iri muHarare.
Nyaya iyi yakaburitsa pachena chikiribidi chiri kuitwa pazvipatara izvi apo dzimwe nhubu dziri kubhadharisa vanhu mari iri pakati peUS$20 neUS$40 kuti vavape magwaro emanyepo eCovid-19 kana vachida kuenda kunze kwenyika pasina kuvhenekwa kwavanenge vaitwa.
Chikwata chenhubu idzi chinosanganisira vanoshanda mulaboratory, vanamukoti nevarindi, avo vanozogovana mari yechiokomuhomwe iyi.
Muzvipatara nedzimwe nzvimbo dzinovhenekwa vanhu chirwere cheCovid-19, vanobhadharisa mari inosvika US$65 yemaPCR test iyo inofanirwa kuitwa mukati memaawa 48 munhu asati abuda munyika muno.
Asi kune vamwe vave kuwana magwaro aya kuburikidza nenzira dzehuwori.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira kuti mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi kunyangwe zvazvo pasina ati asungwa.
“Pari zvino, tiri kuongorora nyaya iyi,” vanodaro.
Pasi pemitemo yemuZimbabwe uye kuchitevedzwa zvinodiwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), vafambi vanofanirwa kuva nemagwaro emaPCR test mukati memaawa 48 vasati vabuda munyika kana vachida kushanya kunze.
Vanhu vanoita mabasa ekuenda kunohodha zvinhu kunze, vanoda kunotsvaga mabasa nevamwe ndivo vanonzi vari kunyanya kuwana magwaro echitsotsi aya.
Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro nguva pfupi yadarika vakati vose vanobatwa vachiita huwori muzvipatara vanofanirwa kurangwa zvakaomarara nemutemo.




