N’anga nemaporofita vanoda dzidzo
SANGANO rinomirira machiremba vechivanhu nevemakereke, reZimbabwe National Practioners’ Association, rinoti zvakakosha kuti varapi ava vawaniswe ruzivo ruzere pamusoro pekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
‘Covid-19 inotoda kushanda pamwe’
HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho ose ekudzivirira kupararira kweCovid-19 sekupfeka mamasiki, kusaita chitsokotsoko nekuita hutsanana nguva dzose uye havafanire kumanikidzwa kuita izvi nevabati vezvemutemo sezvo zvichibatsira mukuchengetedza upenyu hwavo.
Masamba asiyana . . . Mapurisa voda tsamba ‘svinu’
MAPURISA ave kuda magwaro ane tsanangudza dzakadzama kubva kuvanhu vanofamba kusanganisira tsamba yakasainwa nachamangwiza kana general mananger wekambani nechinangwa chekuti vari kuenda kumabasa akakosha kana kuti vemabhizimisi anotenderwa vakwanise kudarika pasina zvimhingamipinyi.
Vanhu 34 vafa muZimbabwe
VANHU 34 vafa muZimbabwe nekuda kweCovid-19 kusvika pari zvino uye huwandu hwevari kuwanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa hwakwira kusvika 2 512.
Vane Covid-19 vadarika 2 100
HUWANDU hwevanhu vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekuvhenekwa hwasvika 2 124 – vakawanda vacho vari vemuHarare ichiteverwa neBulawayo.
‘Varimi rovai basa’
VARIMI vari kukurudzirwa kuumba mapoka nekushandisa madandemutande (social media) mukuita hurukuro pakati pavo uye nemadhumeni senzira dzekusimudzira basa ravo sezvo kuungana kusiri kutenderwa pari zvino nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19.
Oti coronavirus yamudzvanya
MURUME wekwaMutare uyo anoita basa rekunama zvinhu zvesimbi uye ari makanika anoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwakanganisa basa rake zvikuru izvo zvave kumutadzisa kuita mari yekuriritira mhuri yake.
Vana vopera kuroodzwa
Muchaneta Chimuka CHIRWERE cheCovid-19 pasi rose chakanganisa zvirongwa zvine chekuita nekupedza dambudziko rekuroodzwa kwevana uye sangano reUnited Nations Office for the Coordination of Humanitarian Affairs (OCHA) rinoti pane mikana yekuwanda…
Vanopfuya mombe vochema neCovid
Thupeyo Muleya VARIMI vechidiki kudunhu reMatabeleland South vanoti basa ravo radzoserwa kumashure zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 izvo zvaita kuti mitengo yemombe iderere kusvika paR7 000 ($400) pachipfuyo chimwe chete. Dunhu…
HUSIKU HAHUCHAFAMBWA… Kubva na6pm kusvika na6am
Munyori weKwayedza KUTANGA nemusi weChitatu svondo rino, Hurumende yakadzika mamwe matanho akananga kusimbaradza zvirongwa zvekurwisa kupararira kweCovid-19 izvo zvichaona veruzhinji vasingatenderwe kufamba-famba munguva dzehusiku kubva na6pm kusvika 6am. Munhu anoonekwa…










