Vanhu 34 vafa muZimbabwe

Tandayi Motsi

VANHU 34 vafa muZimbabwe nekuda kweCovid-19 kusvika pari zvino uye huwandu hwevari kuwanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa hwakwira kusvika 2 512.

Huwandu hwevanhu vafa hwakakwira zvichitevera kufa kwevamwe vaviri kuBulawayo nekuMashonaland Central nemusi weMugovera wadarika.

Pavanhu 2 512 vabatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino, 518 vavo vakatonaya.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti vanhu 119 866 vavhenekwa hutachiona hwecoronavirus – hutachiona hunokonzera Covid-19 – munyika yose kusvika pari zvino.

“Kubvira pakatanga Covid-19 muno musi wa20 Kurume 2020, vanhu 2 512 vawanikwa vaine chirwere ichi uye 518 vavo vakanaya asi vamwe 34 vakafa,” rinodaro bazi iri.

Vanhu 78 vakawanikwa vaine Covid-19 musi muMugovera uye vanosanganisira 74 vagara vari muZimbabwe nevana (4) vakabva kuSouth Africa.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vawanikwa vaine Covid-19 vanove 771 uye rinoteverwa neBulawayo ine varwere 664.

Matabeleland South iri pechitatu nevanhu 365 vawanikwa vaine chirwere ichi uye Mashonaland Central ndiyo ine vanhu vashoma pamatunhu ose enyika vanove 27.

Hurumende iri kutora matanho akasimba akananga kurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Matanho aya anosanganisira kusatendera veruzhinji kufamba pakati penguva dza6pm kusvika 6am.

Vane mabasa akakosha chete ndivo vari kutenderwa kuenda kumabasa uye vanofanirwa kuve nematsamba akakodzera anovatendera kufamba.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×