Vogara nguva pfupi mu‘quarantine’

VANHU vari kuchengetwa munzvimbo dzakasiyana dzenyika vachiongororwa utano hwavo nechinangwa chekuti vaonekwe kuti havana hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 vachange vave kugara mazuva 10 kana 13 kwete 21 vasati vaendeswa kudzimba dzavo.

‘Musashandise mercury’

HURUMENDE inoti panofanirwa kudzikwa mutemo unorambidza kushandiswa kwemushonga we“mercury” nemakorokoza nevamwe vanoita zvezvicherwa pakuchenesa goridhe sezvo uine njodzi kuutano hwevanhu uye unokanganisa nharaunda.

Ndakarongeka: Muzhingi

SHASHA yemujaho wemarathon, Stephen Muzhinji, inoti igere zvakanakisa chaizvo panguva ino apo vamwe vari mune zvemitambo yakasiyana vari kuchema-chema zvikuru zvichitevera kukanganiswa kwaitwa raramo yavo nekuda kwechirwere cheCovid-19.

‘Covid-19 yaondonga mutambo wenetball’

MUTAMBI wenetball wechikwata chenyika chemaGems  Felistas Kwangwa — uyo anove kaputeni — anoti coronavirus yakamisa zvinhu zvakawanda muhupenyu hwake sezvo mutambo uyu uriwo unomuraramisa.

MAONERO EDU:

ZIMBABWE kusvika parizvino yave nevanhu 787 vabatwa nechirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa.

Zvinongoda kurerutsa rurimi

SADZA rikakoresa rinonetsa kumedza. Gejo rikadzikisa mombe dzakabopwa hadzigone kurikakata. Munyu ukawandisa mumuriwo haudyike, uye svutugadzike ikawandisa tsvigiri hainwike.

Hakuna muteuro unorapa Covid-19

MUKURU wechechi yeJohanne Masowe kuCentenary anoti veruzhinji ngavasabatwa kumeso nemamwe maporofita kana vanamati vachinyengedzwa kuti kune muteuro kana mafuta akazodzwa anorapa chirwere cheCovid-19.

Manesi 13 akasungwa

VANAMUKOTI 13 vanoshandira pachipatara chikuru cheSally Mugabe Central Hospital — icho chaimbonzi Harare Central Hospital — vakasungwa nemapurisa nemusi weMuvhuro vachipomerwa kutyora mitemo ine chekuita nekuti vanhu vasaungane uye kuti vagare vakapfeka mamasiki.

Regai kuvarairwa – WHO

Munyori weKwayedza SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO) rinokurudzira kuti vanhu vasavarairwe ndokuyambira pamusoro pekupararira kwechirwere cheCovid-19 panguva iyo nyika dzava kurerutsa zvirongwa zvekumisa kutapuriranwa kwechirwere ichi…

‘Murume wangu anondiruma’ …‘achindisveta ropa’ …‘panguva yebonde’

Munyori weKwayedza NYAYA yemurume anonzi ane mweya unomutuma kuruma pamwechete nekusveta ropa remudzimai wake sezvinoitwa nechipuka chinozivikanwa nekuti “vampire” yakapinda mudare reMutare Magistrate’s Court svondo rapera. Nella Chitaitai akafumura gure…

×