Vanasikana vosimudzirwa
SANGANO rinomiririra kodzero dzevasikana reShamwari Yemwanasikana rakaparura chirongwa chinodaidzwa kuti “Girls Rights Movement” icho chine chinangwa chekuvasimudzira munyaya dzebudiriro panguva ino nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19.
‘Mhan’arirai vanhu vamusina idi navo’
Tandayi Motsi BAZI reutano nekurerwa kwevana riri kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose anodiwa mukuzvidzivirira kuti vasatapurirwe Covid-19 uye kuti vamhan’arire vanhu vanobva kunze kwenyika avo vavaine fungidziro yekuti havana…
Vanoveza vochema neCovid
Kingstone Mapupu VANHU vanorarama nemabasa ekuveza matombo vanoti basa ravo harisi kufamba zvakanaka kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 sezvo pari zvino pasina vashanyi vanobva kunze kwenyika vari kuuya vachitenga zvigadzirwa zvavo.…
Hatina anorapa Covid-19: Zinatha
Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha) rinoti n’anga nemaporofita emanyepo vawanda zvikuru munyika kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 uye riri kuyambira veruzhinji kuti vangwarire kubirwa mari neupfumi hwavo…
‘Musanyeberwe, hakuna muteuro unorapa Covid’
MUKURU wechechi yeJohanne Masowe kuCentenary anoti veruzhinji ngavasabatwa kumeso nemamwe maporofita kana vanamati vachinyengedzwa kuti kune muteuro kana mafuta akazodzwa anorapa chirwere cheCovid-19.
Akatsemura mwana musoro adya dovi
MUDZIMAI anogara kuChitungwiza anonzi akarova vana vaviri vemurume wake nemugoti ndokuvasiya vakuvara zvakaipisisa achivapomera mhosva yekuba dovi mumba ndokurikambura.
Harare: Mwongo weCovid muZim
DUNHU reHarare Metropolitan Province ndiro ratingati mwongo kana kuti “epicentre” pachirungu yechirwere cheCovid-19 muZimbabwe kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevanhu vawanikwa vaine denda iri munyika muno kusvika pari zvino.
Ndabatwa nemweya wetsvina: Mbavha
PANGUVA iyo veruzhinji vagere kudzimba uye vachidiwa matsamba ekuti vafambe nekuda kwechirwere cheCovid-19, imwe mhuri yekuChitungwiza — murume nemudzimai wake, nekamwana kacheche — vakaronga kunozvibatsira nekuba kuHarare uko vaviri ava vakazoitwa kafiramberi vorohwa nechaunga.
Vanamukoti 13 vakasungwa
VANAMUKOTI 13 vanoshandira pachipatara chikuru cheSally Mugabe Central Hospital — icho chaimbonzi Harare Central Hospital — vakasungwa nemapurisa nemusi weMuvhuro vachipomerwa kutyora mitemo ine chekuita nekuti vanhu vasaungane uye kuti vagare vakapfeka mamasiki.
Hwindi ogara mukombi, musango
KUMISWA kwakaitwa vemakombi kushanda nehurumende nekuda kwedanho rekurwisana nekupararira kwedenda reCovid-19 kwasvitsa mumwe murume ane kombi yake pakaomarara sezvo achiti ave kudya nhoko dzezvironda achigara mukombi pakati pesango.











