Chinoz ogovera mamasiki 30 000
Kingstone Mapupu MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vakavamba chirongwa chekuwanisa vanhu vemudunhu ravo vanodarika 30 000 mamasiki pachena nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19. Hurumende yakadzika mutemo…
Vane Covid-19 vowanda
Tandayi Motsi BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti muZimbabwe mava nevanhu 287 avo vanhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19 – chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunonzi coronavirus. Pavanhu 287 ava, 46 vavo vakanaya kubva kuchirwere…
Covid-19 yatipinza munzara: Pfambi
Phillipa Mukome-Chinhoi VAMWE vanhukadzi vanoita mabasa ekutengesa miviri yavo vanoti vapinda munzara nekuda kwechirwere cheCovid-19 sezvo vasiri kuwana mukana wekusasana nevanhurume kuti vawane mari yechouviri. Pari zvino veruzhinji vari kukurudzirwa…
EMA yochema nemakorokoza
CHIKAMU cheEnvironmental Management Agency (EMA) chinoti dunhu reMashonaland West rawedzera panyaya dzekuparadzwa kwezviwanikwa kuburikidza nemabasa echikorokoza nekutemwa kwemiti panguva ino apo vanhu vari kunzi vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
52 700 vaongororwa chirwere cheCovid-19
ZIMBWABWE yavheneka vanhu vanokwana 52 725 chirwere cheCovid-19 nyika yose kubva patanga chirongwa ichi musi wa20 Kurume gore rino.
Vana vodzidza paredhiyo
ZVIDZIDZO zvevana vechikoro zvichatepfenyurwa paredhiyo nepadandemutande kwemwedzi mitanhatu iri kutevera.
Parirenyatwa yagadzirira
CHIKAMU cheParirenyatwa Group of Hospitals icho chakasarudzwa senzvimbo yekuchengetera varwere veCovid-19 pamwe nekuvarapira chapera kuvandudzwa uye chagadzirira kutora varwere ava.
237 vane Covid-19
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti huwandu hwevanhu vavhenekwa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 ndokuwanikwa vaine chirwere ichi muZimbabwe hwakwira kusvika pa237.
Mapurisa odzosa vanhu kumba
Tandayi Motsi MAPURISA nemusi weChipiri chino vakatora matanho ekusimbisisa chirongwa chekuti veruzhinji vasangofamba-famba zvisina tsarukano senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19 kuburikidza nekudzosera kudzimba veruzhinji avo vasina magwaro akakwana ekufambisa vaive mumabhazi…
‘Vatambi vetsiva vodya nhoko dzezvironda’
Abel Ndooka PUROMOTA wetsiva Clyde Musonda anoti vatambi vemuno vane chitsama parizvino vave kudya nhoko dzezvironda sezvo vazhinji vavo vachirarama kuburikidza nemutambo uyu uyo wakambomiswa kutambwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere…









