NYOKA INE CHUMA PACHECHI

Kingstone Mapupu VAGARI vemumusha weKuwadzana 3, muHarare, nguva pfupi yakadarika vakaona mashura padunhu apo vakafumodhumana nezinyoka rerudzi rwemhungu iro raiva rakasungirirwa chuma nechinhu chaiita kunge sikarudzi yemunhurume yakaomeswa uye yakazorwa…

Covid-19: Sadunhu oripisa mbudzi kana huku

Kingstone Mapupu SADUNHU Gwindi vekwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, vanoti nechinangwa chekusimbisa chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19, vari kuronga kudzika murawo wekuripisa nehuku kana mbudzi vose vachabatwa nemachinda avo vasingatevedze mitemo yeHurumende yakananga…

‘Tiudzei vanhu vabva kunze kwenyika’

Tandayi Motsi MADZISHE, masadunhu nevamwe vatungamiriri vematunhu vakawana dzidzo kubva kuHurumende iri pamusoro pekuipa kwetsika yekuhwandisa vanhu vanenge vabva kunze kwenyika vasingazivise vezveutano senzira yekudzivirira kupararira kwecoronavirus iyo inokonzera chirwere…

‘Unoendepi? Dzokera kumba’

MAPURISA nemusi weChipiri chino vakatora matanho ekusimbisisa chirongwa chekuti veruzhinji vasangofamba-famba zvisina tsarukano senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19 kuburikidza nekudzosera kudzimba veruzhinji avo vasina magwaro akakwana ekufambisa vaive mumabhazi eZupco pamwe nevedzimotokari vaiedza kupinda muguta reHarare.

Ropa rava shoma: NBSZ

NATIONAL Blood Service Zimbabwe (NBSZ) inoti kuwanikwa kweropa rekupa varwere muzvipatara pari zvino kwaderera zvikuru zvichitevera matambudziko airi kusangana nawo mukuunza zvinodiwa mubasa rekutora ropa nekurichengetedza zvichibva kunze kwenyika.

203 vane Covid-19

HUWANDU hwevanhu vavhenekwa ndokuwanikwa vaine coronavirus — hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19 — muZimbabwe hwakwira kusvika pa203.

N’anga, maporofita vopfeka mamasiki

Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), rinoti rakadzika mutemo wekuti varapi varo vose vanofanirwa kunge vakapfeka mamasiki pose pavanoshandira veruzhinji uyewo mumatare nepamasowe munofanirwa kunge…

‘KuMash Central tasunga 2 400’

Kingstone Mapupu VANHU vanosvika 2 403 vanonzi vakasungwa kudunhu reMashonaland Central nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nekuti veruzhinji vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubva nemusi wa30 Kurume kusvika…

Vane Covid-19 vasvika 63

ZIMBABWE kusvika nemusi weChipiri svondo rino yange yava nevanhu 63 avo vabatwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.

‘Hatichangoda chero vayenzi’

MAMBO Zimunya vekwaMutare, kudunhu reManicaland, vanoti sedanho rekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 munharaunda yavo nenzvimbo dzakavakomberedza, vakadzika murawo unoti vaenzi vose vanoshanyira mumisha yeko vanofanirwa kuziviswa kwasabhuku nekudare ravo uye vozivikanwa kuti vanenge vabva kupi.

×