Covid-19, masiki nemucheno
MAZUVA atiri echirwere cheCovid-19, pane zvakawanda zviri kuitika. Vanhu kugara kudzimba, vamwe varume vakavharirwa ne”lockdown” vari kudzimba dzavo kana kuma”small-house”, kuchitiwo vamwe vari kushungurudzana apo vanoswera nekurara vakadzvokorana izvo zvaisaitika apo vanhu vaifamba-famba.
Madzimai nevana voshungurudzwa
SANGANO rinomirira kodzero dzevanhukadzi, reMusasa Project, rinoti kushungurudzwa kwemadzimai nevana kuri kuwanda munguva ino yekunge vanhu vagere kudzimba serimwe rematanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Zimbabwe ichiri mu’lockdown’ . . . Vanhu fambai muine matsamba’
HURUMENDE inoti nyika ino ichiri pakati pekurwisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19, nekudaro veruzhinji havasati vave kutenderwa kungofamba-famba vasina matsamba anovapa mvumo yekuita izvi asi kuti vagare kudzimba.
Ndasuwa nhabvu: Antipas
MURAIRIDZI weChicken Inn, Joey “Mafero” Antipas, anoti asuwa zvikuru mutambo wenhabvu uye kuramba akagara pamba nekuda kwechirwere cheCovid-19 kwakurwadza asi ajaira sezvo zvichibatsira hupenyu hwake nehwevakawanda.
COVID-19 TINOIKUNDA: CHIPEZEZE
MUBATI wepagedhi wechikwata chenhabvu chenyika cheZimbabwe Warriors uye achitambirazve Baroka yekuSouth Africa, Elvis Chipezeze, anoti veruzhinji vanofanirwa kuzvipira mukurwisa chirwere cheCovid-19 kuti chipere, vanhu vagokwanisa kudzokera kumararamiro avajaira.
Kuumba hukama ndiro donzvo
HUKAMA zvinoreva kuziva munhu waugere naye, muvakidzani wako, waunoshanda naye kuti amuka nekuswera sei, utano hwake, zvamurwadza, zvamugumbura, zvamufadza, uchigoverana naye kana chekudya chaicho, nokuti hukama igasva hunozadziswa nekudya.
‘Vanozvishandira imbomirai kuvhura’
CHIKAMU chevanoita mabasa emaoko ekuzviraramisa ayo anosanganisira kutengesa zvakasiyana hachisati chave kutenderwa kushanda nekuda kweCovid-19 mushure mekunge dare guru reHigh Court ratonga kuti ngachimboramba chakavharwa uye kuti vamwe vanoita mabasa akakosha vachitanga kushanda vachitevedzera zvisungo zvekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Mabhazi eZUPCO owanda
Elliot Ziwira naJoseph Madzimure ZVIKORO, makoreji nemayunivhesiti hazvichashandiswa kuchengeterwa vanhu vemuno vanenge vabva kunze kwenyika panguva iyo vanhu ava vanenge vachiongororwa kuti havana Covid-19 here, sezvo zvimwe zvacho zvichavhurwa munguva…
Dzimwe tsika siyanai nadzo
CHIRWERE cheCovid-19 chashungurudza vanhu pasi rose. Denda risati rawanirwa mushonga unorirapa iri harisarudze pakubata vanhu uye hariremekedze miganho yenyika, rinobata vanhu vose — kubva kuvaduku kusvika kuvakuru — vatema nevachena…








