‘Hatichangoda vayenzi chero’

MAMBO Zimunya vekwaMutare, kudunhu reManicaland, vanoti sedanho rekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 munharaunda yavo nenzvimbo dzakavakomberedza, vakadzika murawo unoti vayenzi vose vanoshanyira mumisha yeko vanofanirwa kuziviswa kwasabhuku nekudare ravo uye vozivikanwa kuti vanenge vabva kupi.

Hurumende yozivisa mavhurirwo ezvikoro

Debra Matabvu HURUMENDE inozivisa kuti zvikoro zvava kuzovhurwa pakati pemwedzi unouya asi izvi zvichaitwa muzvikamu nezvikamu kuitira kuderedza mikana yekuti vana nevadzidzisi vasabatwe nechirwere cheCovid-19. Asi zvikoro zvisati zvavhurwa, vadzidzisi…

Coronavirus: Yeuka zvinotevera

Muchaneta Chimuka MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararira kunyika dzakawanda dzepasi rose, kusanganisira muZimbabwe. Coronavirus hutachiona hunokonzera kurwara…

‘Garai kumba’

Munyori weKwayedza BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoramba richikurudzira veruzhinji kuti vagare kudzimba uye kuti vasasvike kana kutambira munzimbo dzine vanhu vakawanda sezvo umu muchinetsa kuchengetedza nyaya dzekusaita chitsokotsoko nedzekukoshesa kuti…

Corona yobatanidza Kapfupi naMarabha

Kingstone Mapupu VAIMBI vaviri avo vanoitawo mitambo yemadhirama, Freddy “Kapfupi” Manjalima naCharles “Marabha” Milisi Mupalume — vose vanogara kuEpworth — vane mutambo wavo wavakatsikisa wakanangana nekurwisa kupararira kwedenda reCovid-19. Mugore…

Tachoboka: mahwindi

Kingstone Mapupu naPhillipa Mukome-Chinhoi VASHANDI vekumakombi — avo vanodaidzwa nekuti mahwindi — pamwechete nevaridzi vemota dzinotakura veruzhinji idzi, vanoti chirwere cheCovid-19 chakavaparira zvikuru sezvo vachiti vakuvara nenzara zvekusvika pakuti vamwe…

MAONERO EDU: Covid-19 haina kwayati yaenda

NEMUSI weMugovera wadarika, mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakazivisa matanho matsva pamwechete negwara rave kuzotorwa neZimbabwe apo nyika iri pakati pekurwisa chirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19. Matanho aya anosanganisira kunyevenutswa kwezvimwe…

‘Ngatiregerei kurivara . . .’ COVID-19 ICHIRIMO MUNO: PRESIDENT

Munyori weKwayedza CHIRWERE cheCovid-19 — icho chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus — hachina kwachati chaenda uye tichinacho muZimbabwe, vanodaro mutungamiri wenyika President Mnangagwa. Vachizivisa nematanho matsva ave kuzotorwa nenyika apo…

‘Musapfekedze vana mamasiki’

Munyori weKwayedza VANA vacheche nepwere avo vane makore ari pasi pemaviri okuberekwa havakurudzirwe kupfeka mamasiki apo veruzhinji vari kunzi vagare vakaapfeka pose pavanenge vari munzvimbo dzeveruzhinji senzira yekudzivirira nekuderedza kutapurirana…

Tengesai fodya makachenjera

MWAKA wekutengeswa kwefodya wakatanga nemusi weChitatu svondo rino uye wakasiyana zvikuru nemamwe makore adarika nekuda kwechirwere chatekeshera pasi rose cheCovid-19.

×