Ticharonga Cosafa patsva: Destombes

SANGANO reCouncil of Southern Africa Football Association (Cosafa) – iro rinoronga Cosafa Cup – rinoti mitambo yegore rino ichadzoserwa kumashure nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chakakonzera kuti nhabvu imbomira kutambwa kunyika dzakawanda dzepasi rose.

Zvinhu zvinoda kutaurirana

naWedzerai Nhemachena PAMUSHA, pakambani kana padunhu panoita njake-njake vanhu vakasataurirana kuti vari kuda kuita zvipi. Munhu anogara ari oga ndiye angatadze kutaurirana nemumwe nokuti zvaanoita nezvaanobata zvinobata iye chete. Asi…

NeSeed Co, murimi unokohwa

Godwill Macherera TINODA kukorokotedza varimi vose vakashandisa mbeu dzeSeed Co mumwaka wekurima uchangodarika uyu. Zviri kufadza chose zviri kutaurwa nekupupurwa nevarimi pamusoro pekunaka kwembeu dzinobva kuSeed Co. Tinogarotaura pamusoro pekushingirira…

‘NHABVU INODA PAINE VATSIGIRI’

Abel Ndooka MUTAMBI wechikwata chenyika cheZimbabwe Warriors necheYeni Malatyaspor chekuTurkey, Teenage Hadebe, anoti nhabvu hainakidze kutamba munhandare isina vatsigiri. Mwaka wenhabvu weTurkish Super Lig – uko Hadebe ari kutambira –…

‘Zifa inonzwisisa basa guru reHurumende’

Robson Sharuko ZIFA inoti inonzwisisa kuti Hurumende ine zvimwe zvinhu zvikuru zvairi kuita, izvo zvinoda kuitwa nechimbi-chimbi nekuda kwechirwere cheCovid-19, nekudaro haingainamikidze kuti iipe mari yekubatsira kuti mutambo wenhabvu urambe…

‘Kumiganhu kune nyaya’

Munyori weKwayedza DZIMWE nzvimbo idzo dzinopoya nevanhu kumiganhu yenyika vachipinda nekubuda muZimbabwe dzinogona kupa mikana yakawanda yekupararira kwechirwere cheCovid-19 pamwechete nekudzosera shure zvirongwa zveHururumende zvekuvheneka nekupatsanura vanhu vanenge vachibva kune…

Garisanai zvakanaka: ZRP

Kingstone Mapupu MAPURISA ekudunhu reMashonaland East ari kukurudzira veruzhinji kuti vagarisane zvine runyararo uye vasaudzane mashoko anogumbura vamwe kana kutukana munguva ino apo vanhu vagere kudzimba. Vanhu veruzhinji vachiri kunzi…

Mahwindi ochema

VASHANDI vekumakombi — avo vanodaidzwa nekuti mahwindi — pamwechete nevaridzi vemota dzinotakura veruzhinji idzi, vanoti chirwere cheCovid-19 chakavaparira zvikuru sezvo vachiti vakuvara nenzara zvekusvika pakuti vamwe vavo vatombonogara kumisha uko kwavasina kunge vakavaka kuti vambochengetwa nevabereki kana nedzimwe hama.

Machiremba epachena

MACHIREMBA gumi nevana (14) vemuZimbabwe vakazvipira kubatsira veruzhinji pachena panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidza nenhare panguva iyo vanhu vose vanenge vagere kudzimba.

COVIDI-19: ‘Regai kurivara’

HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa mukurwisa kupararira kweCovid-19, zvisinei nekuti pari zvino kune vanhu vashoma vabatwa vaine chirwere ichi muZimbabwe.

×