Vobatsira vana vechikoro
SANGANO rakazvimirira reCreating Better Futures (CBF) riri kubatsira vana vechikoro nezvekudya zvinosanganisira bota, mahewu nembatya dzekupfeka panguva ino apo vagere mudzimba nevabereki vavo nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Covid-19 yabata 37
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti huwandu hwevanhu vavhenekwa vakawanikwa vaine coronavirus — hutachiona hunokonzerwa chirwere cheCovid-19 — muZimbabwe hwasvika pavanhu 37.
Onyora bhuku rezveCovid-19
Kingstone Mapupu MUNYORI wemabhuku nemadhirama eChiShona wemandiriri, Aaron Chiundura-Moyo, anoti ari mushishi kuunganidza zvaanoda kuti zvizova mubhuku raari kuda kunyora iro riri pamusoro pemadzudzo kana kuti matambudziko aunzwa nekuda kwechirwere…
Coronavirus inobata tose — President
Munyori weKwayedza CHIRWERE cheCovid-19 chakaipisisa zvekuti hachikoshese miganho uye hachina wachinosarudza pakubata kana kuuraya — mupfumi kana murombo. Vachitenda rubatsiro rwuri kupihwa neveruzhinji mukurwisa chirwere cheCovid-19 — vanosanganisira vakazvimirira, makambani…
‘Varwere vepfungwa vanodawo dziviriro’
SANGANO rinomirira varwere vepfungwa rinoti vanhu ava, avo vagara vaine dambudziko rerusarura munharaunda dzavagere, vatonyanya kuomerwa panguva ino apo Zimbabwe nedzimwe nyika dzepasi rose dziri kushungurudzwa nechirwere cheCovid-19.
ZVIBHAKERA ZVANDIRERA: MONALISA
SHASHA yetsiva yechidzimai, Monalisa “Queen of the Jungle” Sibanda, anoti hakuna chisingapere, naizvozvo vanhu ngavasanyanye kutya sezvo chirwere cheCovid-19 chichapera neimwe nguva.
Kukosha kwekuongororesa ivhu
KURIMA kwaveko mazuva ano kwave kwemhando yebhizimusi nokudaro donzvo revarimi rinofanira kuva rekuti vatevedze tsika dzinoita kuti varime zvine pundutso.
Zvekuita vanhu vari kumba
Muchaneta Chimuka KUNYANGWE zvazvo kunyuka kwechirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19 kwaunza matambudziko kuruzhinji rwevanhu, kune vamwe vari kuti denda iri ravaiita kuti varongere ramangwana ravo nekuzvishandira vari kudzimba. Vamwe vanoti…
Upenyu mberi, mitambo kumashure — Musekiwa
CHRIS “Romario” Musekiwa — mumwe wevatsigiri vakuru vemutambo wenhabvu muno — ari kukurudzira vatsigiri vemitambo yose zvayo kuti vatevedzere zvose zvinodiwa pakudzivirira nekurwisa chirwere cheCovid-19 achiti pachazotanga mitambo, vanotarisira kuzoonana vose pasina varasikirwa neupenyu.
Vanhu ivava tinovatenda
ZIMBABWE, sedzimwe nyika dzakawanda, pari zvino iri mushishi yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 icho chazengezana pasi rose.









