Ngatiitei zvinodiwa: Charamba

MUIMBI wechitendero ane mukurumbira Pastor Charles Charamba vokurudzira vaimbi vemisambo yakasiyana kuti vasamirire kurarama kuburikidza nemashoo chete asi kuti vaite mamwe mabhindauko anovapa raramo panguva yakaita seino apo vanhu vari kunzi vasaungane nekuda kwechiwere checoronavirus.

Muporofita aponda mukadzi

MUPOROFITA wechipositori ane mukurumbira kuCentenary, anonzi akadzika mukadzi wake demo achibva afira ipapo, iye ndokunwa muchetura achiedza kuzviuraya  asi pashure ndokuzonozvipira kumapurisa.

Gadziriro dzekurima gorosi remuchando dzotanga

SANGANO rinomirira varimi munyika reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rokurudzira kuti vaite gadziriro dzizere dzemwaka wa2020/2021 wekurimwa kwegorosi panguva iyo vamwe vakatotanga kare kudyara chirimwa ichi.

Mukombe ndewedu — Mwadziwana

SHASHA yetsiva, Tinashe “Chairman” Mwadziwana, anoti kunyangwe zvazvo mutambo wake naPaulus “The Rock” Ambunda wekuNamibia wambomiswa nekuda kwechirwere checoronavirus ane idi rekuti pavachazosangana bhande reWorld Boxing Association Super Bantamweight World Title iro ravacharwira richasara muno.

Otongerwa kuba chocolate

MURUME anogara mumusha weDangamvura, maMutare, akamiswa mudare rekuno achipomerwa mhosva yekuba machocolate muchitoro cheOK.

Akafira kuba mbudzi

MURUME anogara kuGuvarekipi, kuChisumbanje, anonzi akawanikwa akafa pedyo nerwizi rwaSave mushure mekunge arohwa zvakaipisisa nevamwe varume vaviri vachimupomera kuba mbudzi ina.

‘Ivhu ngarishandiswe kusimudzira Zim’

MURIMI wechidiki wefodya kuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central anoti anonzwa manyuku-nyuku nekurima chirimwa ichi – icho kare chairambidzwa vatema kurima nyika isati yawana kuzvitonga kuzere – sezvo ari kukwanisa kuraramisa mhuri yake.

Rodza njere nemadimikira

MUKUVAVARIRA kuti tipinde mugoho repamusoro, tinobata mativi ose kuti tigadzire hwaro hwakakura hwekugadzirira bvunzo. Regai timbobva munyaya dzezvebvunzo ra2021 ratakabata muzvikamu zvapfuura timbopinda mukukaringa nekurunga mutauro wedu kuti ugozipa.

Ndokusaka vakakurirwa

TINOENDERERA mberi nekupedzisa nzira dzinoshandiswa nevatema kuti vakunde vachena muhondo yeChimurenga. Mubvunzo uyu takautanga svondo rapfuura uye unoti:

Covid-19: Zivai zvizere

MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararira kunyika dzakawanda dzepasi rose, kusanganisira muZimbabwe.

×