Amitisa vanasikana vake 5

Murume anogara kumindamirefu yeWinimbi, kwaMambo Svosve, kuMacheke, ari kunzi ihuku iri kudya mazai ayo sezvo achinzi amitisa vanasikana vake vashanu.

Hokoyo nenyama iyo: Vet

Chikamu chinoona nezvekurapwa kwemhuka, cheDepartment of Livestock and Veterinary Services, chiri kukurudzira veruzhinji kuti vadye kana kutenga nyama yakavhenekwa kwete yavasina idi nayo seiri kutengeswa iri mumabhuti edzimota kana mumigomo.

Coronavirus: Zvimwe zvekuita

Chirwere checoronavirus kana kuti COVID-19 chazengezana pasi rose.

Akafa anwa vhuka-vhuka

Murume nemudzimai wake vepapurazi reMukute, kuMarondera — avo vanga vachitambura nekushaya mbereko — vakazogumisira vawira muna taisireva apo vakanwiswa mushonga wekusimbisa misana yavo unodaidzwa nekuti vhuka-vhuka neimwe n’anga yeko, murume ndokubva zvamukurira, achibva afa.

Mupurisa akakechwa nagweja

Mupurisa wechidzimai anoshandira pakamba yeMutawatawa, kuUzumba, anonzi akapinda tsekwende svondo rakapera apo akawirirana nemurume anova mukorokoza kuti vagoverane rudo, asi ndokuzopesana nekuda kwemari yemurume uyu inonzi yainge yashaikwa zvikazokonzera mhirizhonga.

Bembera padare: Mutemo unobata munhu wose

Zvakanaka kuti zvibude pachena kuti munhu haasi Mwari, nokudaro munhu anokanganisa kakawanda.

Mamiriro enhabvu yeZim

Kubva nyika ino yawana kuzvitonga zvizere mugore ra1980, vatambi vazhinji venhabvu vakawana mukana wekunotambira kunyika dziri kuEurope nekumwe kwakasiyana kana zvichienzaniswa neapo Zimbabwe yaive isati yawana rusununguko.

Mhirizhonga mudzimba yowanda

Nyaya dzemhirizhonga yemudzimba pamwe nekusagarisana zvakanaka munharaunda dzinoratidza kuti dziri kuwanda zvikuru zvichitevera mhosva dzerudzi urwu dzinosvika 1 501 idzo dzakatongwa mudare reHarare Civil Court kubva mumwedzi waNdira kusvika Zvita gore rapera.

Coronavirus: Idi nenhema

Hakuna chikonzero chekuti vanhu vabvume kuti kutonhora kwakanyanya kana mamwe mamiriro ekunze angauraya utachiona hweCOVID-19 kana zvimwe zvirwere.

Zvakanakira kudya makabichi

Mumuriwo wekabichi munowanikwa Vitamin C, mapuroteni uye unodzivirira kufufutirwa.

×