Vaimbi vechidzimai vobatsira vanotambura

SANGANO revaimbi vechitendero vechidzimai reZimbabwe Female Gospel Artists Association (ZFGAA) riri kuita basa guru rekubatsira vanhu vanotambudzika munzvimbo dzakasiyana pamwe nekusimudzira mhanzi yenhengo dzaro.

Chikoro chokumbira kuvakirwa zambuko

CHIKORO cheAvoca Primary School chiri kunze kwedhorobha reBindura chiri kukumbira gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland Central, Senator Monica Mavhunga, kuti vabatsire pakuvakwa kwemurato kana kuti mudhebhudhedhu (footbridge) kuti vana vechikoro vakwanise kuyambuka rwizi Mazowe pasina njodzi.

‘Pedzai kutengeswa kwenyama yemukoto’

VERUZHINJI vari kuchema-chema nekuda kwenyama yemombe inonzi ine zvirwere iyo iri kutengeswa pamusika wemukoto kunzvimbo dzakasiyana.

Yambiro yeCovid-19

Kunemi vafambi RUZIVO urwu tinorwupakurira kuvafambi vakanga vari kunyika kana kuti nzvimbo dzine utachiona hwecoronavirus kana kuti COVID-19. Senzira dzekusimbaradza kurwisa kupararira kweCOVID-19 kubva kunyika dzinacho, Hurumende inozivisa kuti icharamba…

Kuti vatema vakunde . . .

Nzira dzinoshandiswa nevarwi vehondo yeChimurenga kuti vange vachikunda vachana.

86 vodzidziswa nemabhezari

VADZIDZI 86 vari kuita A-Level nevekuyunivhesiti vekumatunhu akasiyana enyika svondo rapera vakawaniswa mabhezari nekambani inogadzira zvinwiwa yeDelta Corporation.

Zvichakubatsira kugadzirira bvunzo

REGAI timbosiya zvebvunzo dzegore rinouya tinangane nevari kunyora gore rino apo tinoda kukudubura zviri mugapu kuti vana vazive zvinhu zvichange zvichinyorwa mupepa rino zvakanangana negwaro rechinomwe.

Ndakaona mumvuri mutema murima

NDAKAMUKA ndikatarisa nguva. Kunze kwakanga kwave kuda kunoyedza, bhazi renguva rakanga rave kuteremuka kubva mugomo renguva yenhatu kuti rinopinda munyika yemupata wenguva yechina.

Mhinduro yezvimiso

SVONDO rapfuura takakusiirai basa rokuita tichiti mushandise zvimiso zvakanaka pakandima kadiki katakakupai.

Varwere vorapwa mahara

Vagari vekwaZiko, kwaSeke, svondo rino vachange vachirapwa nekuvhenekwa zvirwere zvakasiyana pachena kuburikidza nechirongwa chiri kuitwa nevabvuwi vechechi yeUnited Methodist Church.

×