Manyorerwo etsamba
TAVA kuda kunopendera zvakanangana nemhando dzerondedzero. Ngatimbotarisei bandiko rerondedzero retsamba.
Nyanzvi dzoti hakuna zvakadaro
NYANZVI inoona nezveutano hwemhuri kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (director for family health), Dr Bernard Madzima, vanoti hakuna zvakadaro zvekuti munhukadzi anotevera nemukanwa.
Ndakangodiwawo, handina kuziva achazorambwa
TAKAONA tsvina yakanga ichipakurwa tikatora ndiro kuti tipakurirwewo. Takatambudzika mumwoyo yedu kuti tiwane mugove wetsvina iyoyo. Takazvitora maSelfie tiri pamabhodho etsvina, tikaisa pamaStatus edu.
Kakara kununa hudya kamwe
PADARE ratakagara musvondo rakapera, takabata nyaya yezvinoreva hukuru kana hutungamiri nezvinotarisirwa kuti aite mumusha, pakambani kana munyika. Dare rakati mutungamiri haafanire kuzvifunga iye pachake, kana kutora mukana wehukuru hwake kupaza pfuma yemusha kana yekambani achizvigovera iye oga.
Kuda anokuvara muhondo
TINOPEDZISA mubvunzo watakatanga svondo rapera wekupindirana kwemusoro webhuku nenyaya iri muna Kuda Muhondo.
KUDZORA NDANGARIRO neZimpapers Knowledge Centre
KUWANA kuzvitonga kuzere kweZimbabwe kwakasimudzira mabasa ezveupfumi muMozambique, vanodaro President Samora Machel vokuMozambique.
Zvirungamutauro
SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nekuwedzera ruzivo rwezvirungamutauro zvakaita setsumo nemadimikira.
Rwendo rwaperera pano . . .
Mutyairi wegonyeti iri anonzi aimhanya zvakanyanya zvakaita kuti ribude mumugwagwa paround-about iri munaAirport Road, muHarare, nemusi weChishanu chino. – Mufananidzo naAbel Ndooka.
Kutamba neupenyu . . .
Mahwindi aya akange akarembera kumashure kwekombi yaifamba mumugwagwa waAirport Road, muHarare, nemusi weChishanu chino apo mumwe wavo aitodya zvake. – Mufananidzo naAbel Ndooka.
MADZIMAI 21 NEVANA 100
MURUME n’anga anogara muUnit J, kuChitungwiza asi kumusha achibva kuMalawi, anoti haana chekumirira – ava nemadzimai 21 nevana vanodarika 100 uye achiri kutoda vamwe.




