Mvura younza mufaro kuvarimi
VARIMI vari kumatunhu akasiyana enyika vari kutambira nemufaro mukuru kunaya kuri kuita mvura zvichitevera kutsva kwange kwave kuita zvirimwa zvakadai sechibage nezuva.
Vana vodzidza vakaguta
CHIRONGWA chekubatsira vana vane vabereki vanoshaya pamwe chete nenherera nechikafu chinovaka muviri chichaparurwa munguva pfupi inotevera kumativi ose enyika uye izvi zviri kuuya apo vakawanda vavo vanonzi vari kuenda kuchikoro nenzara.
Mbanje yotanga kukohwewa
MBANJE yakarimwa zviri pamutemo kekutanga munyika muno yakatotanga kukohwewa panguva iyo kurimwa kwayo kuri kutorwa sebhizimisi sezvo ichishandiswa mumabasa anosanganisira kugadziriswa mishonga yekurapisa zvirwere zvakasiyana-siyana.
Bindura yochema nemakorokoza
KANZURU yedhorobha reBindura inoti iri mushishi kutsvaga kumwe kwaingatora mvura yakachena inoshandiswa nevagari vemudhorobha iri sezvo yavari kuwana pari zvino yanyanya kusviba nekuda kwevanokorokoza goridhe munharaunda iyi.
Zvakanakira mhodzi dzemanhanga
MHODZI dzemanhanga dzakakangwa usavi hwakanaka zvikuru uye hunovaka muviri sezvo dziine mapuroteni neiron yakawanda izvo zvinobatsira mukurwisa zvirwere pamwe nekuwedzera ropa.
‘Vechidiki rongerai remangwana’
MUIMBI wenziyo dzechitendero Fetchton “Fetch the Soul Winner” Nenguwo anoti zvakakosha kuti vechidiki varongere remangwana ravo uyewo nekuve vanhu vanomata Mwari kuti vayaruke vachitevera gwara rakanaka.
Mhanzi ngaisimudzire nyika: Phiri
PATIENCE Phiri anove muimbi wemusambo weMbaqanga anoti mhanzi inofanirwa kushandiswa sechombo chikuru chekukurudzira kubatana pamwechete nekushandira budiriro yenyika.
‘Tinoda kudzidziswa bumbiro remutemo’
CHILD President Mukudzeishe Madzivire ari kukurudzira Hurumende kuti ikoshese kudzidziswa kwebumbiro remutemo reZimbabwe muzvikoro zvepuraimari nesekondari nechinangwa chekuti vana vayaruke vachiziva kodzero dzavo.
Varimi vobhadharwa fodya nemaUS$
BHANGA guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rinoti rakatanga kugadzirisa matambudziko akasanganikwa nawo nevarimi gore rapera pakubhadharwa kwefodya kuitira kuti mwaka uno vazopihwa chimwe chikamu chemari yavo iri musvo wemaUS$.
Hwindi akadonha ndokufa
MUTYAIRI wekombi inoenda kwaMusana, kuBindura, akasungwa nemhosva yaari kupomerwa yekutyaira zvisina hanya zvikaita kuti akonzerese kufa kwahwindi ainge akarembera kumashure kwekombi ichifamba.









