‘Idya tsvina yako upore’

MURUME anogara mubhuku raDyora, kwaMambo Nyajina, kuUzumba, anoti hurwere hwake hwekupunzika kuburikidza nedenda retsviyo kana kuti pfari hwakakonzera kuti adyiswe tsvina yake nezvimwe zvinhu zvisingaite nen’anga nemaporofita achinzi ndiko kumurapa asi hapana chakabatsira.

‘Kugara nerwaivhi zvinobhadhara’

RWAIVHI rwunonzi rwakanaka kugara narwo mumba sezvo rwuchibatsira kubata tupukanana nezvizvipembenene zvakaita senhunzi, masvosve nemapete izvo zvinotambudza vakawanda.

Zvikoro zvakapihwa mabhuku

ZVIKORO 36 zvepuraimari zviri mudunhu reMashonaland Central nguva pfupi yadarika zvakawana rubatsiro rwemabhuku ekuverenga, ekunyorera nezvimwe zvinodiwa padzidzo kubva kuRotary Club.

‘Ndoda kuita mari nemusoro wenyu’

MURUME anogara kuDangamvura, kwaMutare, akamiswa mudare reko achipomerwa mhosva yekushungurudza amai vake achiti anoda kuvagura musoro agoushandisa nemishonga kuti bhizimisi rake ribudirire.

NDINI CHIBABA: KAMAMBO

Abel Ndooka MUTuNGAMIRIRI wesangano rinoona nezvenhabvu reZimbabwe Football Association (Zifa) — Felton Kamambo — anoti ndiye “Chibaba” chenhabvu yemuno uye Philip Chiyangwa anotonga kuCosafa kwake uko anotungamirawo. Achitaura svondo radarika…

Rimai zvine hungwaru: ZFU

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti zvakakosha kuti varimi varime zvine hungwaru mbesa dzinotirira muzuva zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze uko kuri kokonzera kuti mvura inaye iri shoma kana kuti yakawandisa.

Mukadzi osimudzwa nehumonya

SHASHA yekusimudza masimbi ekuvaka muviri (body-building), Regina Jonga, anoti akakura achifarira wrestling izvo zvakazomutuma kutanga kusimudza masimbi uye ari kurarama hupenyu hunoyemurika kuburikidza nemutambo uyu.

Studio yeSungura yemahara yakavhurwa

MUIMBI weSungura Jonathan Siastumuzira — uyo vazhinji vanoziva saMadzibaba Gina kana kuti Mr Chinhoyi — akavhura studio kuChinhoyi ichange ichitsikisa mhanzi yevamwe vaimbi vemusambo uyu pachena.

Zim yagadzirira kurwisa red locust

ZIMBABWE yagadzirira zvikuru kurwisana nedambudziko remhashu dzinofamba dzakawandisa zvekudarika miriyoni imwechete (red locust) dzichiparadza zvirimwa zvakasiyana idzo parizvino dzarura kunyika dziri kudunhu reEast Africa.

Ozviruma nyama achidya

MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nehuroyi, mumwe musungwa ange achipikira mhosva yekubata mwana chibharo kujeri rekuMarondera anonzi aidzandabvura nyama yepamuviri wake achiidya.

×