Mhinduro yenzwisiso

SVONDO rapfuura takaita mibvunzo yenzwisiso nepfupiso zvaibva panyaya yaive nemusoro wakanzi Zimbabwe nyika inoyevedza. Zvino svondo rino tinokupai mhinduro dzinotarisirwa pamibvunzo yamakasangana nayo. Asi tisati takupai mhinduro idzi, ngatimbotangai tatarisa…

Zviratidzo zvetungundu

Muchaneta Chimuka CHIRWERE chetungundu (anthrax) chinokonzerwa neutachiona hunodaidzwa pachirungu kunzi Bacillus Anthracis uye chinobata zvipfuyo, vanhu nemhuka, kusanganisira dzesango kusiya kwehuku bedzi. Chinouraya mhuka nenguva diki-diki. Utachiona hunopinda mumuviri pakudya,…

Shato yemuhotera Yodya ichirutsa …Chivanhu ichocho: Zinatha … Iri kushungurudzwa: Parks

Ray Bande MUKWESHWA wenyoka yerudzi rweshato yekuwanikwa yakabhukirwa muhotera nemumwe mukadzi anoita mabasa ekutengesa muviri wake kwaMutare achiti ndiyo inomubatsira pakukecha varume nekumuita kuti ahwinhe njuga inonzi yava kurutsa chose…

Akauraiwa nembwa yashefu

Muchaneta Chimuka MURUME anga achisevenza sa‘‘garden boy” pamba iri kuMt Pleasant, muHarare, anonzi akafa svondo rino mushure mekunge arumwa nembwa dzemunhu waaishandira. Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Webster…

‘Inyama yemunhu, Kwete yembudzi’… Ini ndiri muroyi: Tsotsi

Daphne Machiri VANHU vaive mudare reConcession Magistrate Court, kuMashonaland Central, vakakatyamadzwa zvikuru apo mumwe murume aitongwa nemhosva yekuba mbudzi akati nyama nedehwe zvakawanikwa zviri pasi pepiro mumba make zvaisava zvembudzi…

‘Zvikoro zvatigura kunorira Vabereki votengeswa girosari… Zvimwe zvokwidza mari dzefizi..Mayunifomu, mabhuku odhura

Muchaneta Chimuka RAKANGA riri besanwa muguta reHarare nomusi weMuvhuro uno apo vabereki vaive mubishi kutenga zvinhu zvinodiwa kuzvikoro zvisinei kuti vakawanda vaichema-chema nekuda kwekudhura kwezvakaita semayunifomu, mabhuku nematirangi. Kuzviteshi zvemabhazi…

‘Matsime emuHarare ingozi’…95% yemvura yacho ine tsvina yevanhu

Abel Ndooka CHIPO chemvura yose yemumatsime nemigodhi yemuguta reHarare haina kukodzera kunwiwa kana kushandiswa mudzimba sezvo yakasangana netsvina yevanhu. Izvi zvakabuda pamusangano uchangobva kuitwa muHarare neUnicef uyo waikukurukura pamusoro pezvinangwa…

Zviri mumhuri: Phil Zulu

Abel Ndooka MUIMBI weAfro-fusion, Phil Zulu, uyo anove dangwe reshasha yemusambo weMarabhi — Kireni Zulu — akaparura dambarefu rake rechipiri rinonzi Hope (Tariro) nguva pfupi yadarika. Phil ndiye dangwe raKireni…

Tungundu yauraya munhu

Muchaneta Chimuka BAZI rinoona nezvekurapwa kwemhuka, reDepartment of Veterinary Services (VET), rinoti munhu mumwechete akafa, nemombe dzinosvika 165 nekuda kwechirwere chetungundu (anthrax). Izvi zvakaitika masvondo mashoma adarika kumatunhu anoti Makonde,…

Gringo ava kuruzevha

Abel Ndooka SHASHA yemadhirama anosetsa, Lazarus “Gringo” Boora — uyo akamborwara zvekupinda muchipatara nguva yadarika — anoti asimba uye pari zvino akamboenda kumusha kuNyazura kumbonosakura kumunda wake. MunaGumiguru gore rapera,…

×