‘Mhanzi ngaishandure hupenyu hwevanhu’

Abel Ndooka MUIMBI wenziyo dzechitendero Tafadzwa Patience Chiminya — uyo vazhinji vanoziva saMai Zimi —  anoti mhanzi inofanirwa kushandura hupenyu hwevatereri uye kusimudzira vanotambudzika muhupenyu hwavo. Mai Zimi avo vanozivikanwa…

‘Kuchanaya mvura ine dutu’

Columbus Mabika naYeukai Tazira CHIKAMU chinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika, cheCivil Protection Unit (CPU), chinoti chakagadzirira zvakanyanya matambudziko erudzi rwupi uye ane chekuita nemafashamu emvura kana mamwewo mamiriro ekunze. Izvi zvauya…

‘Murume ndinomudawo, ndewedu tese’

Courtney Munodawafa MUDZIMAI nyachide pabarika akazvuzvurudzira vahosi vake kudare achiti vari kumuonesa ndondo nekumutumira mashoko ekumutuka nezvinyadzi panhare yake uye murume anopedza mazuva akawanda ari kumba kwavo izvo zvinomurwadza zvikuru.…

Tsuro dzoshomeka. . .nyama yacho yakurumbira

Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira varimi vanopfuya tsuro munyika muno reRabbit Breeders and Producers Association of Zimbabwe rinoti nyama yetsuro yofarirwa zvikuru kudarika yedzimwe zvipfuyo izvo zvave kukonzera kuti dzishomeke zvakanyanya…

Akabvisisa mudiwa wake hembe pagrowth point. . . ndokumuti afambe ari musvo

Muhamed Komboni MURUME anogara kwaOdzi akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekumanikidza musikana wake kuti akurure mbatya dzose dzaainge akapfeka, ndokumuti afambe ari musvo senzira yekumurwadzisa mushure mekunge amuona aine mumwe mukomana.…

Akapofomadzwa nemuremwaremwa

Kingstone Mapupu MURUME wemuHarare anoti akapofomara maziso mushure mekunge arohwa kumeso nemumusoro nemuremwaremwa. Muremwaremwa kamhuka kanodaidzwa pachirungu kuti “bat”. Vamwe vanofunga kuti kamhuka aka ishiri isina makushe nekuda kwekuti kanobhururuka,…

Mukadzi pfacha ‘girlfriend’ yakati zete pamubhedha

Muhamed Komboni MUKADZI wekuRedwing Mine, kuPenhalonga, akasungwa svondo rapera achipomwerwa kubaya shamwarikadzi yemurume wake nebanga pachipfuva neparuoko apo akanga amusvikira akati zete pamubhedha wake muimba yavo yekurara aine murume wake.…

Iguva ravo: Kanzuru

Munyori weKwayedza MUTAURIRI wekanzuru yeHarare, VaInnocent Ruwende, vanotsinhira nezvenyaya iyi vachiti, “Kana guva richinge ratengwa, rinoramba riri mumaoko ehama dzakatengera mufi. Saka kana pachinge paitika nyaya yakaita seiyi apo rinosvika…

Oti akabirwa mari nemukadzi wake

Courtney Munodawafa MURUME wemuHarare anoti akagurwa kunorira nemudzimai wake uyo akamubira $1 700 ndokumutorera midziyo yose yemumba akaenda nayo. Kateva Kateva akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court uko akamhan’arira…

Mwana odzinga baba pamusha

Courtney Munodawafa MURUME wekuEpworth anoti akadzingwa sembwa pamba pake nemwana wemudzimai wake achibatsirana naamai vake. Aleck Mazibuko akamhan’arira Tinashe Koroka kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro. Mazibuko anoti Koroka…

×