‘Murume ndinomudawo’

Courtney Munodawafa MUDZIMAI nyachide pabarika akazvuzvurudzira vahosi vake kudare achiti vari kumuonesa ndondo nekumutumira mashoko ekumutuka nezvinyadzi panhare yake uye murume anopedza mazuva akawanda ari kumba kwavo izvo zvinomurwadza zvikuru.…

Mvura iri kuuya – Met Dep

MVURA inotarisirwa kunaya kumatunhu akasiyana enyika anosanganisira Bulawayo Metropolitan, Matabeleland South, Midlands, Masvingo neManicaland kutanga nemusi weChina svondo rino. Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vatore matanho ekuzvidzirira kubva kunjodzi dzinokonzerwa nemvura inonaya.…

‘Futi chikomba chako ndicho chakaponda’

Nyasha Bvudzijena HANZVADZISIKANA inoti haisi kudya rinopisa nekuda kwehanzvadzikomana yake iyo iri kumupomera kuti ndiye akapondesa mukoma wake nezvikomba zvake zvinova matsotsi. Sandra Matunda akamhan’arira Bernard Matunda kudare reHarare Civil…

Wendy Madzura asimudzirwa

Munyori weKwayedza KAMBANI huru pakuuchika nekutengesa mbeu dzemuminda nemumabindu — yeSeed Co — yakasimudzira mumwezve munhukadzi, mudhumeni Mai Wendy Madzura, kuva mukuru wechikamu chayo chevarimisi, Head of Agronomy. Mai Madzura…

A-LEVEL ― ngano dzamatambidzanwa…Zvidzidzo zvemungano

Munyaradzi Gunduza   TSANANGURA zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvinobuda mungano uchishandisa ngano shanu dziri mubhuku iri. [25] Mungano inonzi, Vasikana navakomana shumba munobuda chidzidzo chekuti rooranai vematongo. Chidzidzo ichi chinobudiswa apo vasikana…

Gadzirirai chikoro nguva iripo

Ticha Danga KUBVA mukupedza kunyora kwatakaita bvunzo musi wa4 Gumiguru, takambosaruka zvikuru tichifarira kuzorora kwakange kwauya. Zvemabhuku takamborasa uko uye vamwe takabva tatogovera mbatya dzataishandisa kuzvikoro nekuti takabva tagura kupinda…

Zifa inokara mari: Shereni

Abel Ndooka SHASHA yakambonetsa ichitambira nhabvu maWarriors, Dynamos nezvimwe zvikwata zvekuEurope — Harlington Shereni — anoti vakambotamba mutambo uyu vanovharirwa kunze pose pavanoda kuita zvirongwa zvekusimudzira nhabvu nesangano reZimbabwe Football…

Fetiraiza, mbeu yepachena kuvarimi vedonje

Zvamaida Murwira ZVIRONGWA zvePresidential Input pamwechete neTillage Scheme zvakaparurwa kuGokwe nguva pfupi yadarika paine kurudziro yekuti hapana munhu ane chigaro chikuru muHurumende anofanira kushandisa huwori pakugoverwa kwezvekushandisa izvi. Zvekushandisa pakurima…

Varimi rambai muine tariro

MWAKA weZhizha wakatanga masvondo mashoma adarika apo pakaturuka mvura zvikaona varimi vachiita chipata-pata kumativi ose enyika apo vamwe vairima minda yavo vamwe vachitangisa kudyara mbesa.  Pari zvino pane dzimwe mbesa…

IMBWA HAIHUKURIRE SADZA:Mukadzi wacho haana kumbomufita

naIgnatius Mabasa TINOFIRA kuitiswa zvatisingade kana zvatisingakwanise. Ndakanga ndaenda kunhamo nekamotokari kangu kaHonda Fit. KaHonda Fit hakadye mafuta munguva dzino dzatiri dzekunetsa kwemafuta emota. Ndasvika panhamo, asi ndisati ndatombowana pekupaka…

×