Vamwene nemuroora votosvorana

Nyasha Bvudzijena VAMWENE vakaendesa muroora wavo kudare vachiti ari kuvafurufusha pamba pavo uye kana atanga kupopota, anoita semunhu asvikirwa nemweya wengozi. Catherine Murinda akamhan’arira Zvisinei Mapindu kuHarare Civil Court achiti…

Nguva yekudyara chibage

Wendy Madzura TINOFAMBIRA mberi nekutarisa nyaya yekusarudza mbeu yechibage zvine ungwaru. Tikatarisa muenzaniso wembeu yechibage yeNzou, tinoona kuti inoda mwaka murefu wekunaya kwemvura kuti ibereke goho repamusoro. Nokudaro mbeu yeNzou…

Zvikoro zvekuChimanimani zviri kukumbira rubatsiro

Takunda Maodza MUMIRIRI weChimanimani East mudare reNational Assembly, Cde Joshua Sacco, vari kukumbira kuHurumende nevemabhizimusi kuti vabatsire kuunganidza zvinoda kushandiswa pakuvakwa patsva kwezvikoro zvakaparadzwa nemvura yaive nedutumupengo nguva yadarika. Zvikoro…

Handisi kumira: Baba Harare

Malven Mugadzikwa MUIMBI ane mukurumbira wemusambo weJiti Braveman “Baba Harare” Chizvino anoti ari kuramba achipakura nziyo pamwechete nemavhidhiyo akakasiyana-siyana senzira yekufadza vatsigiri vake. Baba Harare akataura mashoko aya mushure mekuparura…

Makuwerere paMhizha Primary

Muchaneta Chimuka AIVA makuwerere paMhizha Primary School iri kuHighfield, muHarare, nemusi weChishanu svondo rapera apo vana vakabudirira muzvidzidzo nemumitambo pachikoro ichi vakapihwa mibairo. Vabereki vane vana pachikoro ichi nevamwe vemunharaunda…

ZHRC yopinda muzvikoro

Malven Mugadzikwa ZIMBABWE Human Rights Commission (ZHRC) yakabatana nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari mukutanga chirongwa chekwizi icho chine donzvo rekudzidzisa nezvekodzero dzevanhu muzvikoro. Chirongwa ichi chakaparurwa nemusi weMugovera wadarika pachikoro cheGirls…

Zim yosusukidza MDGs

Muchaneta Chimuka HURUMENDE yakatanga kutora matanho ekushanda nemasangano akazvimiririra uye anodyidzana neveruzhinji senzira yekuona kuti zvinangwa zvinoenderana nezvisungo zveSustainable Development Goals zvazadzikiswa. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nebazi rinoona nezvevashandi veHurumende…

EMA mune basa: Munodawafa

Malven Mugadzikwa MUNYORI mukuru kubazi rezvenharaunda nekushanyirwa kwenyika, VaMunesu Munodawafa, vanoti bazi ravo riri kushanda pamwe chete neveEnvironmental Management Agency (EMA) mukuunza zvirongwa zvinoderedza matambudziko ane chekuita nekushanduka kwemamiriro ekunze.…

ANA MANJENJENJE MURIKO HERE UKO?

Kingstone Mapupu VAERA Mbizi – veTembo Mazvimbakupa, imika ana Chihota – nyatsonzwai kwamakabva nako uye kuti sei zvichinzi Manjenjenje ganda revasikana? Mambo Chihota vanonyatsopa nhoroondo izere – kubva kumavambo kusvika…

AKABATWA HURUWEKI NEGUDO

Kingstone Mapupu MUDZIMAI wekuDomboshava ari kurapwa muchipatara cheMakumbe mushure mekunge apunzirwa pasi nehoromba yegudo, ndokumugara matunduru richibva ramushagada kumurova apo mamwe akawanda ainge akamukomba achichema. Mai Magarate Mashawiro (49) –…

×