Maumbirwo engano
NGANO dziri muboka reuvaranomwe hwemutaurwa, uye dzakaumbwa nezvikamu zvitatu zvinoti mavambo, pakati uye magumo. Ngano zhinji dzinotanga zvakada kufanana sekuti, Kwaivepo . . ., Kune imwe nyika iri kure kwazvo . . ., Ndokunge ari mumwe murume nomukadzi wake . . ., Kare kare kwazvo . . ., Naiwayo mazuva kwaive . . ., Kareko zvako . . .
Tsuro akanga asingagone kushambira
RIMWE zuva Tsuro musango makaita moto zvekuti mhuka zhinji dzakatiza dzikanoyambuka rwizi. Tsuro akanetseka nekuti nyangwe zvake akanga akasvika parwizi, akanga asingagone kushambira.
‘Ndakasiirwa nyoka senhaka’ . . . Ndiyo inoyamwa varoora . . . Apa n’anga yacho yakafa
CHEMBERE yekuMasvingo ine makore 70 ekuberekwa iri kudunura ichiti yaoneswa nhamo nenyoka nezvidhoma izvo yakasiirwa nemurume wayo mushakabvu uyo aiva n’anga.
‘Murume wangu mazirudo yowe!’
APO vamwe vari kuchemera kudiwa, mukadzi wekwaMutare ari kuti rudo rwaanopihwa nemurume wake rwanyanyisa zvekuti iye ave kutoshevedzera “sizifaya” (cease fire).
Vodya huchi hwemuguva
VAGARI vemubhuku raGoto, kwaMambo Mangwende, mudunhu reMurehwa, vanonzi vari kudyiswa huchi huri kumorwa nedzimwe nhubu mukati memakuva.
Orova vabereki zvose nemaroja
BABA naamai vekuoneswa ndondo nemwanakomana wavo uyo wavanoti anogara achivarova pamwe nekufurufusha maroja avo vakazopotera kudare redzimhosva.
Anoita 1hr achinyomba murume
MURUME anova samusha anoti ari kuoneswa ndondo nemudzimai wake uyo anomurikita kumurova achimudhonza sikarudzi yake, pashure ozoita chipo cheawa rose achiimba nziyo dzekumunyomba.
Ndakakunokora tsoka – N’anga
MUNE imwe yenyaya dzekurwisa nekutyisidzira vatori venhau, mutori wenhau weKwayedza, Muchaneta Chimuka, asangana netsekwende zvichitevera kuvhundutsirwa kwaari kuitwa ari pabasa rake natsikamutanda ari kuzviti Booster uyo anoti akamunokora tsoka.
Vatori venhau vakarwiswa
VATORI venhau veKwayedza nemusi weChitatu svondo rapera vakarwiswa nemumwe sabhuku achibatsirana nemhomho yevanhu vemumusha make kudunhu raMambo Seke apo vaive pabasa rekutsvaga nyaya yasabhuku uyu yekunzi ari kudanana nemudzimai wemunhu.
‘Kushaya mbereko haisi mhosva’
MUDZIMAI wemutungamiri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mngangagwa, vanoti mapoka ezvenhau ane basa guru rekurwisa nyaya dzerusarura kune vanoshaya mbereko, rinova dambudziko rinobata vanhukadzi zvose nevanhurume.









