‘Mapuromota musatitarisire pasi’

MUIMBI weAfro-jazz Tongai Gwaze – uyo vazhinji vanoziva saGreat Man – anoti mamwe mapuromota nevamwe vari muindasitiri yemimhanzi vanotarisira vaimbi vakaremara mitezo pasi zvisinei nekuti vanenge vaine zvipo zvakakomba.

WC yakandivhura mhanza: Perpetual

KAPUTENI wechikwata chenyika chenetball chemaGems, Perpetual Siyachitema, anoti zvekutamba mutambo uyu zviri muropa uye kuenda kwavakaita kunokwikwidza kuWorld Cup yakaitirwa kuLiverpool, kuEngland nguva yadarika kwakavavhurira mikana yakasiyana.

Ndini ndine simba: Sabhuku

SABHUKU wekuendeswa kudare nemuramu wake — mudzimai wemun’ina — achinzi ari kumushungurudza nekumudzinga pamusha pake, akazodya magaka mabhishi achiti ane simba rekutonga mudunhu rake uye kudzivirira ngozi mumusha.

Tinosvika kure: Mudimu

MUTAMBI wemaWarriors neCefn Druids yekuWales Republic, Alec Mudimu, anoti shuviro yake kugadzwa kuve kaputeni wechikwata chenhabvu chenyika zvachose.

Kusandura maitiro kwakakosha mukurwisa HIV

SANGANO reNational AIDS Council riri kuparura zvirongwa zvekudzidzisa vanhu kuti vasandure mafungiro maererano nekuparadzirwa kwezvirwere zvepabonde, kunyanya kunzvimbo dzine mukana wakakura wekutapurirana hutachiwana hweHIV neAIDS dzakaita sekumigodhi yegoridhe nekumapurazi.

UZ yopakura nyanzvi

VADZIDZI vepaUniversity of Zimbabwe (UZ) vari kushandisa hunyanzvi hwavo mukugadzira zvinhu zvinobatsira muupenyu semichina inocheka sora ichishandisa mabhatiri uye neruzivo rwunobatsira mukurwisa zvirwere muzvirimwa.

‘Ndichakutumira matsotsi akuponde’

MURUME wemuHarare anoti akasvika pakubva pamba pake achitiza kushungurudzwa neaimbove mudzimai wake uyo aigara achimuudza kuti anoda kumutumira matsotsi kuti amuponde.

Orova amai

TSVIMBORUME yekupomerwa mhosva yekugara ichirova amai vakaibereka pamwe nekuvatuka zvinonyadzisira yakazomiswa mudare redzimhosva.

MAONERO EDU: Fundo ngaiunze budiriro munyika

BAZI redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina pari zvino riri mushishi kuvandudza dzidzo kuti ienderane nezvinodiwa mumabasa anoitwa muzvikamu zveindasitiri zvakasiyana nedonzvo rekusimudzira upfumi hweZimbabwe.

Zvikamu zvenguva zviri muzuva

NEMHAKA yekuti tanga takabata nyaya dzanga dzichienderana nenguva muzvikamu zviviri zvapfuura, zvakangonaka kuti tibva tangobata bandiko renyaya dzenguva dzezuva apo tinoda kutarisa zvikamu zvenguva dzezuva kubva richibuda kunopinda muna amai varo dzamara timukezve.

×