Handichada nhabvu: Mhofu
AIMBOVE murairidzi wechikwata chenyika chenhabvu chemaWarriors, Sunday “Mhofu” Chidzambwa, anoti ambosendeka zvemutambo uyu sezvo zvamukandisa mapfumo pasi uye ave kuita zvekurima.
Vobika chingwa chembambaira
CHIKAMU cheDevelopment Technology Centre chiri paUniversity of Zimbabwe (UZ) chiri kusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko kuburikidza nekuita mabhindauko akasiyana sekubika chingwa, mahewu nejamhu izvo zvinogadzirwa kubva mumbambaira.
‘Handirambwe zvekumhanya’
MUDZIMAI wekuEpworth, muHarare, akaendesa aimbova murume wake kudare redzimhosva achiti haasi kuda kuti amurambe uye nekumudzinga pamba nekuti sitendi yaari kumudzinga ndeyake.
Kudzivirira njodzi muzvikoro
VAKURU vezvikoro zviri muHarare nevatevedzeri vavo pamwe chete nevamwe vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muzvikoro svondo rapera vakapinda musangano wemazuva mashanu apo vakafundiswa nezvetsaona dzinogona kuvawira pamwe nevana uye nekuti dziviriro yacho inofambiswa sei (Risk Management, First Aid and Safety).
Paraffin orangarirwa
MWANASIKANA weshasha yaive nemukurumbira munyaya dzemadhirama – mushakabvu Phillip “Paraffin” Mushangwe – Tarisai Mushangwe, anoti kunyangwe zvazvo baba vake pakuekita vaizivikanwa vari nhubu uye semurume ane makaro nekuita makuhwa, mumararamiro avo vaive munhu ane rudo uye vasingarute.
Sei uchifanirwa kushandisa makondomu kana une utachiona hweHIV?
SANGANO reNational AIDS Council range riri kutambira mibvunzo yakawanda kubva kune vanhu vane utachiona hweHIV vachida kuziva kuti sei vachifanirwa kuti vashandise makondomu.
Weti yetsuro chamvari
MURIMI wemuHarare ane mukurumbira wekupfuya tsuro munyika muno okurudzira vamwe varimi kuti vashandise weti yetsuro semanyowa kana fetiraiza yekuisa muzvirimwa zvakasiyana zvakadai sechibage nedonzvo rekuti vawane goho guru.
Nyautsa mukanwa neharurwa
HARURWA tupukanana tunorarama nekudya mashizha emiti sezvinongoita hwiza kana kuti mhashu, asi tuchinyautsa mukanwa zvikuru kana tukabikwa nemazvo.
Ofemeswa neaimbove mushandi wake
MUMWE muzvinhabhizimisi wemuHarare anoti ashaiswa rugare neaimbove mushandi wake uyo waanoti ari kuuya kukambani kwake achikanganisa vashandi vake kushanda zvakanaka achiti, “Ndinozvidira jecha izvi”.
Dingindira guru
SVONDO rakapfuura takapedzisira kuita ongororo yekupindirana kwemusoro webhuku nenyaya iri muna Gona ReChimurenga. Svondo rino tinobata madingindira anowanikwa mubhuku iri. Mave kuziva kuti dingindira ndiyo pfungwa huru inobuda murungano sekudzidzisa kwandakamboita nguva yapfuura.








