Ndiri kudzoka: Gwekwerere

SHASHA yakambonetsa munhabvu –  Evans Gwekwerere – anoti haasati apera uye ane tarisiro huru yekuti munguva pfupi inotevera achadzoka zvakare kuzotamba mutambo uyu.

$40m yekubatsira vadzidzi

HURUMENDE inoti yaunganidza $40 miriyoni yekuti ishandiswe mukubatsira vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji vari kunetsekana nekubhadara mari dzechikoro.

Ine chimbwamupengo: VET

BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo, reDepartment of Livestock and Veterinary Services, rinoti chirwere chechimbwamupengo (rabies) kana chikabata mombe, inogona kuita zvisinganzwisisike zvakaita sekuita hasha dzakadarikidza uye ichidzinganisa vanhu.

‘Ichi ndicho chivanhu’

NYANZVI munyaya dzezvechivanhu dzinoti zviri kuitwa nemombe yeimwe mhuri yekuSanyati — zvekupazira mudzimba dzevanhu ichipinda mukati nekudya zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira nyama nekurara pamubhedha zvine chekuita nechivanhu.

‘Ndibvire kumhepo, ndava nemumwe’

MUDZIMAI wekuEpworth anoti haazi kudya rinopisa nekuda kweaimbove murume wake uyo ari kugara achimutukirira achiti akamurambire chii.

Maticha obairwa zvitupa

HURUMENDE yakapinza mabasa mamwezve maticha 350 senzira yekuzadzikisa chikamu chekupedzisira chevarairidzi 3 000 vanofanira kupinda basa sezvakatarwa nebazi rinoona nezvehomwe yenyika gore rino, panguva iyo paine zviratidzo zvekuti mamwe maticha 5 000 anogona kupinzwawo mabasa.

Mombe 80 000 dzakafa nezvirwere

ZIMBABWE yakarasikirwa nemombe dzinosvika 80 000 munyika yose idzo dzakafa nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kubvira pakutanga kwegore rino uye huwandu uhwu hunogona kuramba huchiwedzera kana varimi vakasadhibhisa mombe dzavo pamwe nekudzibaisa majekiseni ekudzivirira zvirwere.

Handisi dzuramoyo: N’anga

VAGARI vemumusha weEast View uri kuCaledonia, muHarare, vanoti havachada kuramba vachigara neimwe n’anga yeko zvichitevera kupomerwa kwairi kuitwa kuti ine chekuita nekushaikwa kwemwana wemakore 7 okuberekwa uyo akazowanikwa mutumbi wake uri mumugodhi mushure memazuva matanhatu.

‘Chengetedzai goho kubva kuhudyi’

VARIMI vokurudzirwa kuti vachengetedze goho ravo remwaka wadarika zvine hungwaru senzira yekuderedza nzara nehurombo munyika.

Gwala orumbidzwa padambarefu

MUIMBI wemusambo weSungura – Lovemore ‘Mukanya’ Muzondiwa – anoti adzidza zvakawanda kubva kunaFreddie Gwala uyo waakashanda naye pamadambarefu ake maviri anoti Zero to Hero naHazvina kana P.O Box.

×