Gwala orumbidzwa padambarefu

MUIMBI wemusambo weSungura – Lovemore ‘Mukanya’ Muzondiwa – anoti adzidza zvakawanda kubva kunaFreddie Gwala uyo waakashanda naye pamadambarefu ake maviri anoti Zero to Hero naHazvina kana P.O Box.

Nyama yeguru kudya namambo

NYAMA yeguru remombe inonaka zvikuru kana ichinge yanyatsobikwa zvakanaka.

Kuzvibata kwakakosha mukudzivirira HIV

HAZVISI nyore kuva wechidiki panguva ino.Vechidiki vari kusangana nematambudziko akawanda pavanokura.  Pamwe pacho vanotorwa sevana asi pamwe sevanhu vakuru, chero munhu anenge achishanda navo aine zvaanoda kuzowana.

Runga mutauro nenyaudzosingwi

MAITIKIRO ezvinhu anosiyana. Kana totaura nekunyora ChiShona zvinogona kuratidzwa kusiyana kwazvo kana tichishandisa nyaudzosingwi.

Zvinodzidzwa mumitambo

PAMITAMBO yevechidiki iri mubhuku iri, sarudza mishanu chete ugojekesa matambirwo ayo, uye zvayaidzidzisa vana. [25]

Kusayanana kweMarriage Bill

SANGANO reZimbabwe Women Lawyers Association ndiro rakanga riri pamberi mukurwira kuti mitemo yewanano inge ichibatanidzwa muZimbabwe pasati paiswa mutemo mubumbiro remutemo wenyika mugore ra2013 uye rakanyora zvakawanda maringe nemutemo uyu.

Nyaya iri mubhuku

NDINE chivimbo chekuti vazhinji venyu makatsvaga bhuku ratiri kuongorora rinonzi Gona reChimurenga mukariwana. Zvino tave kuda kutarisa kuti bhuku iri rinombotaura nezvei uye zvii zviri mariri zvinoburitsa pachena kuti Gona reChimurenga.

Kudya sadza uchiseva neminzwa

URI kuona zvandiri kuona here panyaya yemukadzi akabuda muKwayedza svondo rapfuura wekuchekwa nezvinhu zvaasingaone?

Mukuwasha akarohwa natezvara

MUKAWASHA wekuenda kumba kwevabereki vemudzimai wake achida kunomupa gupuro akazobviswa chiri kumeso apo akarikitwa natezvara vake pamwe nekupwanyirwa mota yake.

AKAWANIKWA AINE HAKA PAMBA

MATIKITIVA eCriminal Investigation Department (CID) anoti akasunga mumwe murume wekwaMambo Sitaudze, kuBeitbridge, mushure mekuwanikwa aine haka pamba pake.

×