WARRIOR AFCON 2019: DeMbare 0, Bosso 0
ZVIKWATA zvinoti Dynamos FC neHighlanders hazvina kana mutambi mumwechete akasarudzwa kuti anotambira maWarriors kumakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) pamwechete neCosafa Cup izvo zvasiyana nakare apo zvaibura vatambi vakawanda vaive shasha vaitambira chikwata chenyika ichi.
‘NDIRI MUKADZI WAJESU’
‘MUCHINDIONA kudai, ndava mudzimai waJesu . . . murume wangu ndakatomugova kumumwe mukadzi, zvose nenhumbi dzangu ndichiri mupenyu.
Kuunzwa kwefodya kumisika kwoderera
MITENGO yefodya yakadzikira iri kuita kuti varimi vasaunze fodya yavo yakawanda kumisika yakasiyana vaine tarisiro yekuti mitengo iyi inogona kuzokwira nekufamba kwenguva.
Fembera Fembera Tione!
VAVERENGI, tinoda kuti mufembere, mutiudze kuti muimbi uyu — uyo ane mukurumbira mumusambo weReggae-Dancehall munyika muno uye akaita mbiri nekambo kanonzi Mawaya Waya mugore ra2013 —ndiani.
Dapurahunanzva roga-roga
KWAKANGE kusingadanwe anonzwa kumutambo wekuratidzirwa kwechikafu chechivanhu uye zvetsika nemagariro zvemuZimbabwe nedzimwe nyika, weFood and Culture Festival, uyo wakaitirwa muHarare Gardens svondo rapera.
Makoreji ezvekurima ovandudzwa
HURUMENDE ine hurongwa hwekuti makoreji anodzidzisa zvekurima avandudzwe kuitira kuti abure vadzidzi vanozadzikisa chiono cheVision 2030 chekusimudzira upfumi hwenyika sezvo kurima kuri iko hwaro hwebudiriro yeZimbabwe.
Maticha opinda mabasa
VARAIRIDZI vepuraimari nesekondari vanosvika 1 350 vakapinzwa mabasa kubvira patanga temu yechipiri ino apo Hurumende iri kuedza kuwedzera huwandu hwematicha muzvikoro senzira yekuti vana vawane dzidzo yemhando yepamusoro.
Zvirimwa zvorohwa nechando
VARIMI vekumatunhu akasiyana enyika anosanganisira Nyanga, kuManicaland vokurudzirwa kuti vashandise madiridziro mukudiridza zvirimwa zvavo munguva dzehusiku nechinangwa chekudzivirira kuti zvisarohwe nechando zvichitevera yambiro yebazi reMeteorological Services Department of Zimbabwe (MSD) yekuti munyika munogona kuita chando chakanyanyisa.
Zodwa oroora murume‘. . . ndini ndinobvisa mari yacho’
MUKADZI ane mbiri yekutamba wekunyika yeSouth Africa, Zodwa Wabantu (33), anoti achabvisa mari yeroora kumhuri yemukomana wake, Ntobeko Linda (24), uyo waakapfimba.
Kutengera huku madhuku ekusunga
HANDIZIVE kuti kana ukati unoshandisa mupurwa pakurapa unenge uchiti tibvume here kuti kuushandisa kwako kunongoperera pakurapa chete. Mupurwa haujairike, uye kukodzera kwawo pabasa rekurapa kune mibvunzo inobvinza kunge sefa.










