Dudley Hall hutu nemukombe

CHIKORO cheDudley Hall Primary School chiri muNorton, kuMashonaland West, ndicho chakatora mukombe mumakwikwi ekwizi, eAnnual School’s Heritage Quiz, ayo akaitirwa kuNational Museums and Monuments of Zimbabwe, muHarare, svondo rapera.

Varimi votanga kutengesa donje

VARIMI vedonje vakatotanga kuendesa chirimwa chavo kunzvimbo dzinotengeswa donje dziri kumatunhu akasiyana enyika panguva iyo vazhinji vavo vari mushishi yekukohwa.

Kukosha kwema‘field day’. . . makuwerere paChikurubi Prison Farm

ZVIRONGWA zvekuratidzira mabasa ekurima (mafield day) zvakakosha zvikuru kuvarimi nekuti zvinovapa mukana wekudzidza kuburikidza nekuona zvakanaka zvinenge zvaitwa nevamwe varimi.

Makwikwi emachechi ekuimba otanga

BHANGA reZB Bank rinoti rakazvipira kudzorera kunharaunda kuburikidza nekuita zvirongwa zvinosimudzira upenyu nemagariro evanhu.

MAONERO EDU: Ngatikoshesei tsika, magariro

KUVAMBA nemusi weChishanu svondo rapera, Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza svondo rekukosha kwetsika nemagariro emarudzi akasiyana – rinodaidzwa kuti Culture Week.

Jibilika yodzidzisa nezveHIV, AIDS

SANGANO rezvemitambo, reJiblika Dance Trust, rakavamba zvirongwa zvekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pekudzivirira kupararira kweHIV neAIDS.

Mutyairi wekombi dzamumomotera

MUTYAIRI wekombi wekuChitungwiza akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 14 mushure mekubatwa nemhosva yekutsika munhu akange ari kumhanya padivi pemugwagwa senzira yekusimbisa muviri izvo zvakaita kuti ange achirasikirwa nehupenyu.

NAC yoshanda nevarapi vechivanhu, vemachechi

SANGANO reNational AIDS Council – rakabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana – rosimbaradza kushanda kwarinoita nevarapi vechivanhu nevemachechi senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cherurindi neHIV.

Iwe ungabvume kuyamwisa garwe?

HAZVINA mutsa kutuka chitunha, asi muBhaibheri David akatora mufiro waAbhineri semufiro webenzi. Benzi rinofa kufa kwakapusa, kufa kusina dhiri, kufa kwakadhakwa kunotoshamisa vapenyu.

Zvinosunda mutambo

ZVINHU zvinoita kuti mutambo uyu utambike: