Chidhoma chakajitika mumota

NYAYA yemotokari yakaendeswa parimwe garaji riri muHarare kuti inogadzirwa mushure mekunge yaparara mutsaona, iyo iri kutyiwa nevashandi vepo ichinzi iri kutaura nezwi rechirume — gobvu — yave nepamwe sezvo zvichinzi chinhu chiri kutaura ichi svondo rapera chakamboburuka mumota umu ndokuenda pasi payo, pashure ndokudzokerazve pasi pechigaro mumota .

‘KATSI INONAKA KUDARIKA HUKU’‘. . . kuzoti tsoko kana gudo’

MURUME wekuSakubva, kwaMutare, ari kushamisa vagari veko nekudya kwaanoita nyama yekatsi dzinongombeya musango idzo dzinozivikanwa nekuti mabonga.

‘Ndiwe wakandizadza HIV’

MURUME wekudanana nemukadzi anove muvakidzani wake asi ndokuzorambana ava kuzvidemba achiti akamutapurira utachiona hweHIV achiziva, nekudaro ari kupedzera shungu dzake pakugara achitukirira mudzimai uyu.

Koshesai tsika – President

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti runyararo rwakakosha zvikuru mukugarisana kwevanhu maringe netsika dzechivanhu sezvo rwuchigona kushandiswa kuti munyika muve nekubatana zvichizounza budiriro.

Zupco wava mufamba nyore

VERUZHINJI vatambira nemufaro mukuru danho rakatorwa neHurumende rekudzikisa mari dzezvekufambisa idzo dzinobhadharwa kumabhazi eZimbabwe United Passenger Company (Zupco) uyewo nekuwanzwa kuri kuitwa mabhazi aya.

Bumbiro remutemo rava mumitauro 15

HURUMENDE — ichishanda pamwe chete neZimbabwe Catholic Bishops Conference (ZCBC) – yakaburitsa magwaro ebumbiro remutemo weZimbabwe ayo akanyorwa nemitauro 15 inoshandiswa munyika muno senzira yekuti veruzhinji vange vaine ruzivo pamusoro pekodzero dzavo dziri mubumbiro iri.

‘Huyai kuFood & Culture Festival’

GADZIRIRO dzedopiro rekutanga rekuratidzirwa kwekudya kwechivanhu (Zimbabwe Food and Culture Festival) — iro riri kutanga nemusi weChina uno muguta reHarare — dzasvika kwamvura yacheka makumbo.

Handisi ndururani: Edmond

MUTAMBI wemadhirama Boaz Muchirahondo — uyo vazhinji vanoziva saEdmond pamutambo Pedyo Kure — anoti zvinoda hushingi mubasa iri sezvo risingabhadhare uye muupenyu hwake haana misikanzwa sezvaanobuda achiita.

‘Vanhukadzi tsigiranai’

VANHUKADZI vari kukurudzirwa kuti vasimudzirane kuburikidza nekutsigirana mune zvakasiyana kusanganisira kuvhoterana kuti vapinde pazvigaro zvepamusoro munyika.

Agrifoods yosimudzira varimi

KAMBANI huru munyaya dzekugadzira chikafu chezvipfuyo munyika muno yeAgrifoods inoti iri kutsigira varimi zvikuru kuburikidza nekutenga soya bhinzi dzavanorima ichidzishandisa mukugadzira chikafu chezvipfuyo chakasiyana.