Mutyairi wekombi dzamumomotera

Muchaneta Chimuka
MUTYAIRI wekombi wekuChitungwiza akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 14 mushure mekubatwa nemhosva yekutsika munhu akange ari kumhanya padivi pemugwagwa senzira yekusimbisa muviri izvo zvakaita kuti ange achirasikirwa nehupenyu.

Trymore Zimunya (27) akamiswa pamberi pemutongi Sharon Rakafa wedare reChitungwiza Magistrate Courts ndokutongerwa mhosva yekukonzera rufu rwemunhu asi asina chinangwa chekudaro (culpable homicide) uye musungwa uyu anobvuma mhosva yake.

Mutongi Rakafa akamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 14 pamhosva yekutsika munhu akazomubvisira mwedzi minomwe pachirango ichi nechitsidzo chekuti haapare imwe mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Mimwe mwedzi minomwe yaive yasara yakabviswa yose ndokunzi anofanira kunofondoka pasina mubhadharo kwemaawa 245 paUnit L Hall, kuChitungwiza ikoko.

Pane dzimwe mhosva nhatu, akati abhadhare fandi yeRTGS$120 uye kukundikana kwake kubhadhara mari iyi kunoita kuti anopika mujeri kwemwedzi mitatu.

Mukati memhosva dzake, Zimunya akatongerwa kutyaira motokari dzinofamba neveruzhinji asina makore mashanu akatevedzana ekutyaira, kutyaira asina magwaro eDefensive Driving uye akawanikwa asina rezinesi rakadhindwa maringe nekusimba kweutano hwake.

Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa28 Kukadzi gore rino munguva dzemangwanani, Zimunya aityaira motokari yerudzi rweBenz Sprinter Minibus mumugwagwa Seke Road akananga muguta reHarare uye asina vanhu mukombi yake.

Akazotsika Isaac Chimba, uyo aimhanya achisimbisa muviri, pedyo neSt Mary’s Police Station.

Nekuda kwetsaona iyi, Chimba akatyoka gumbo rekuruboshwe akaitawo maronda akawanda mumusoro achibva angofira panzvimbo.

Kombi yaakaita tsaona nayo iyi yakaendeswa kuChitungwiza Vehicle Inspection Department kunoongororwa.

Zvakaonekwa kuti Zimunya akange achityaira asina hanya zvekusvika pakutadza kudzivirira tsaona panguva iyo akaona kuti paive nemikana yekuti njodzi inogona kuitika.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×