Jibilika yodzidzisa nezveHIV, AIDS

Daphne Machiri
SANGANO rezvemitambo, reJiblika Dance Trust, rakavamba zvirongwa zvekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pekudzivirira kupararira kweHIV neAIDS.

Pasi pezvirongwa izvi, sangano iri riri kutenderera munzvimbo dzinosanganisira Budiriro neGlen View, muHarare, richiita madhirama, nhetembo nekuridza mhanzi senzira yekupa yambiro kune veruzhinji – zvikuru vechidiki – pamusoro pedenda iri.

Jiblika Dance Trust muzvirongwa zvayo iri kushanda nemasangano anosanganisira Centre for Disease Control nePopulation Services Zimbabwe.

Vachitaura kuGlen View nguva pfupi yadarika, Dr Shirish Balachandra avo vanova country director weCentre for Disease Control muZimbabwe, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vaongororwe HIV kuitira kuti vazive pavamire.

“Zvakakosha kuti tive vanhu vanozvichengetedza – kunyanya vechidiki. Ngativei vanhu vakavimbika mukushamwaridzana nemukugarisana uye kune vakaroorana, zvichengetedzei kuti pasaite kutapurirana utachiona hweHIV,” vanodaro Dr Balachandra.

Chamangwiza weJibilika Dance Trust, Plot Mhako, anotsinhira mashoko aDr Balachandra achiti donzvo resangano ravo kupakura ruzivo rwakajeka kune veruzhinji muZimbabwe maringe nezveHIV neAIDS.

“Mukupakura ruzivo tinoita kuti veruzhinji vakwanise kunovhenekwa ropa uye kuti vechidiki vasapinda pabonde vasati vabva zera.

“Tiri kushanda takabatana nemamwe masangano anosanganisira Population Services Zimbabwe,” anodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×