Seed Co yotsigira mbeu diki
KAMBANI yeSeed Co yakaita zvinorova kwaMambo Mapanzure, kuMasvingo, nemusi wa11 Kubvumbi pamusha paVaRatsauka apo paiva nemutambo wekudzidzisa varimi nekupemberera kurimwa kwembeu dzetsanga diki dzakaita serukweza nemapfunde.
Mamwe mabikirwo emasamusa
MASAMUSA kudya kwakanaka zvikuru uko kunofarirwa nevanhu vakawanda, kunyanya avo vanenge vari parwendo sezvo achigara kwenguva refu asati ashisha.
‘REGAI VANA VANE MIMBA VADZIDZE’
VANASIKANA vanoita pamuviri vari pachikoro havafanirwe kudzingwa asi kuti vasiiwe vachienderera mberi nedzidzo yavo kana vachida izvo zvinova zviri mumutemo weStatutory Instrument 362 ne363 of 1998.
Chechi yoita chirongwa chekuchenesa nharaunda
NHENGO dzechechi yeThe United Methodist Church in Zimbabwe Seke North Circuit yekuChitungwiza svondo rapera dzakaita chirongwa chekutsvaira nharaunda nedonzvo rekuti igare yakachena.
Global Fund yosimudzira hupenyu hwevanasikana
CHIRONGWA chekupa dzidziso kuvanasikana nemadzimai echidiki senzira yekupedza AIDS mukupera kwegore ra2030 chava kusvika kwamvura yacheka makumbo muZimbabwe chichitsigirwa neGlobal Fund, chinagwa chiri chekuderedza nyaya dzemhirizhonga kune vechidiki uye nekuti vange vachiziva nezvekodzero dzavo.
AFCON: ‘Tinosvika kure’
MUTUNGAMIRIRI wesangano reZimbabwe Football Association Zifa) – Felton Kamambo – anoti chikwata chemaWarriors chine vatambi vakawanda vepamusoro saka vanofanirwa kutamba zvinogutsa kudarika zvavaimboita kare mumutambo weAfrica Cup of Nations (AFCON) uyo uchatanga munguva pfupi iri kutevera.
‘Association’ yevarume pfambi
KUNE varume vanoti vari kuita mari nekuita chipfambi nemadzimai — kunyanya vakaroorwa — avo vavanoti vanovabhadhara kuti vadanane navo.
Munomuziva here?
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kukumbira veruzhinji vangava neruzivo nezvemumwe murume akatsikwa nechitima kuKadoma ndokufa mwedzi wapera kuti vavabatsire.
Mizinda yemadiridziro yakagadziriswa
SANGANO reZimbabwe National Water Authority (Zinwa) rinoti rakagadzirisa mizinda yose inowanisa vanhu mvura yakadai seyemadiridziro, kusanganisira mimwe yainge yakaparadzwa nemvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai.
Muzinda weBSPZ kuGoromonzi
BHANGA reZB Bank rinoti richabatana nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari mukuvandudza fundo.











