Mizinda yemadiridziro yakagadziriswa

Muchaneta Chimuka
SANGANO reZimbabwe National Water Authority (Zinwa) rinoti rakagadzirisa mizinda yose inowanisa vanhu mvura yakadai seyemadiridziro, kusanganisira mimwe yainge yakaparadzwa nemvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai.

Mashoko aya akataurwa naMai Marjorie Munyonga avo vanove corporate communications and marketing manager kuZinwa.

Vanoti mimwe yemizinda yemvura yavakagadzirisa inosanganisira Murambinda, Nyanyadzi, Matendeudze, Chibuwe, Tanganda, Birchenough Bridge, Rimbi neOdzi.

“Vanhu vari munzvimbo idzi vave kuwana mvura yakaringana semazuva ese kusanganisira kuNyanyadzi neMiddle Sabi Irrigation. Zinwa yakadzorera mvura kuChimanimani neChipinge zvekuti vanhu vazhinji vave kushandisa mvura yemupombi. MuChipinge, muzinda wekuchenesa mvura wave kushanda zvakasimba apo chikwata cheZinwa chiri kushanda panzvimbo uye parizvino chakakwanisa kugadzirisa zvibhorani zvinomwe ,” vanodaro.

Biriwiri Water Supply Station ndiyo bedzi ichiri mubishi kugadzirwa kuti vaone kuti mvura yawaniswa kuvanhu zvakanaka.

Vanoti basa riri kuitwa parizvino rinokosha $750 000 zvisinei nekuti pachine basa guru richiri kuda kuitwa kuti mvura inge ichiwaniswa kune veruzhinji semazuva ese.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *