Mukadzi wemunhu kuita Shamwari yechirume

Inoitawo here iyoyo . . .? Kingstone Mapupu ZVINOITAWO here kuti mudzimai akaroorwa aite shamwari yechirume iyo inenge yakaroorawo kana kuti murume ane mudzimai oita shamwari yemukadzi akaroorwa? Kwayedza svondo…

Murume otiza mubedroom . . .

MUKADZI akaroorwa anogara murukisheni rweLuveve, kuBulawayo, anoti ari kuoneswa ndondo nechidhoma kana kuti ne”spiritual husband” muimba yekurara — murume wake achitotiza onotandara muimwe imba.

N’anga Ndunge akavigwa

N’ANGA ine mukurumbira kuChipinge, Sekuru Charles Makuyana Ndunge, avo vakashaya neMuvhuro, vakavigwa neChitatu svondo rino.

Mutakura wenyimo unogutsa

MUTAKURA wenyimo kudya kunovaka muviri uye kuchipa simba kuvanhu vemazera ose zvawo, zvikuru kana munhu ari parwendo.

46 GOOAAALS!

MOSES “Bambo” Chunga – uyo akanetsa mumazuva ake achitambira zvikwata zvinoti Dynamos, Zimbabwe Warriors necheEendracht Aalst chekuBelgium – anoti chiri kutadzisa vatambi vemazuva ano kusvika padanho raakasvika iye nevamwe vakatamba mutambo uyu kare inyaya yekuti vechidiki havachatereri zvavanodzidziswa.

Ndakapotswa neIdai: Lunga

MUIMBI wemusambo weSungura, Leeroy “Kamusena” Lunga, anoti haasisina pekutangira zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa imba yake pamwe chete nemagitare nemimwe midziyo yekuridzisa mimhanzi munjodzi yemafashamu akakonzerwa neTropical Cyclone Idai masvondo adarika.

Zvizere maererano nechirwere cheTB

ZUVA reWorld Tuberculosis (TB) Day rinocherechedzwa musi wa24 Kurume nedonzvo rekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro petsekwende inosanganikwa nayo munyaya dzeutano, magariro evanhu nenyaya dzeupfimi zvichikonzerwa nedenda iri.

Tinoda vana vanopasa!

 ZIMBABWE inyika inozivikanwa zvikuru pakuve nevanhu vane fundo yepamusoro kudarika dzimwe nyika dzose dzemuAfrica pakugona kuverenga nekunyora.

Mapurisa vovhima mhondi

MAPURISA ekuChinhoyi ari kutsvaga nemeso matsvuku murume wekwaMurombedzi, kwaZvimba, uyo ari kupomerwa mhosva yekuponda aimbove mudzimai wake nekuda kweshanje sezvo achinzi ange ave kudanana nabamukuru — murume wemukoma wake.

Fodya yowanda kumisika

KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti kubva pakavamba mwaka wekutengeswa kwefodya masvondo adarika, kwatengeswa 876 804 kgs ayo anokosha $1 500 600 uye varimi vave kuunza chirimwa ichi chakawanda kumisika yakasiyana kana zvichienzaniswa nemazuva ekutanga.