hokoyo nebhinya: ZRP

Malven Mugadzikwa MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira vanhukadzi vanoita zvekutengesa pamusika, kunyanya muHarare, kuti vangwarire varume vanovanyengedza vachiita sevanoda kutenga, vozoenda navo kunzvimbo dzakahwanda uko vanopedzisira vavabata chibharo.…

Kutaura kusvika vanhu vati eke!

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa PAMAZUVA andakanga ndiri imbwa, ndakadzidza kuti hadzisi nguva dzese dzaunofanira kuhukura. Kumwe kuhukura kunorovesa natenzi vanenge vachida kurara, asi iwe uchivashayisa hope. Kumwe kuhukura kunobhururutsa…

O-LEVEL — MUnyambiri: Tsika dzepasichigare

Munyaradzi Gunduza KANA uchiverenga bhuku rinobata mararamiro evanhu muchinyakare, unofanira kugara uchiziva zvinhu zvavaiita zvinoita kuti rungano rwacho rwunzi rwunoenderana nenguva iyoyo. Zvinodaro nekuti mararamiro atave kuita mazuva ano asiyana…

A-LEVEL — ngano dzamatambidzanwa: Mubvunzo nemhinduro

Munyaradzi Gunduza Uchishandisa ngano shanu, tsigira pfungwa yokuti vanhu vanoita zvisingatarisirwe muupenyu vanorangwa. [25] Murungano runonzi Vasikana navakomana shumba mune vasikana vanoroorwa navakomana vavainge vasingazivi izvo zvaisatarisirwa patsika dzavaShona. Murungano…

‘Zvinokurwadzai kuti ndakaroorwa’

Milcah Nhakura MUDZIMAI nyachide pabarika akaendesa vahosi nevabereki vavo kudare achivapomera mhosva yekumurova nekumutuka. Monica Matiza akamhan’arira Privledge Mombeshora naamai vake Angelina Mombeshora vose nababa vake Paradzai Mombeshora kuHarare Civil…

Vorwisa gomarara remuchibereko

Muchaneta Chimuka SANGANO reMedecins Sans Frontieres/Doctors without Borders (MSF) nguva pfupi yadarika rakabatsira madzimai ekwaGutu, kuMasvingo, kuti vavhenekwe uye kurapwa chirwere chegomarara remuchibereko. Izvi zvakaitwa semucherechedzo wezuva remadzimai, reInternational Women’s Day.…

‘Unodanana nemurume washefu’

Tatenda Shuro MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti murume wake akamudzingisa basa kwaaimboshanda mushure mekunge aendako ndokusvikoita mhirizhonga achimupomera kuti anodanana nemurume washefu wake. Yvonne Chakabida akamhan’arira Simbarashe Java kuHarare Civil Court…

GRADE 7: Usavi hwaidyiwa pasichigare

Ticha Danga KARE vanhu vaisaswera muminda zvoitwa mazuva ano asi kuti varume vaienda musango kunovhima mhuka dzaivapa nyama. Madzimai aimiramirawo nekwavo mukutsvagawo zvaisesedzana nenyama mugapu. Vaivawo nemhando dzemiriwo dzavaiziva kunotemha…

Ofondokera kuba chidhori cherudo

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI MURUME wekuRaffingora — wekuba chidhori chemumwe mukadzi icho anoshandisa kuzvifadza pabonde pamwe chete neUS$200 — akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemina nedare reChinhoyi Magistrate Court. Mutongi…

Tsoko hodhi mu‘office’. . . pweshe patebhuru . . . maziso akavhurwa

TSOKO yotokanyaira ichinoti bherengende kupinda mu‘‘office” munoshandira munhukadzi. Imomo, inosvikoti pweshe kugara patebhuru, yovhura maziziso ayo yakamudzvokora.