. . . mbeu itsva kubva kuSeed Co

KAMBANI huru munyaya dzekuuchika nekutengesa mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, svondo rino yakaparura mhando mbiri dzembeu itsva dzinoti SC 529 neSC 649 idzo dzinonzi dzinoshingirira muzuva uye dzinokwanisa kurimika mumwaka yakasiyana.

‘Ndoroyerwa kachasu’

MURUME anogara mumusha weNew St Mary’s, kuChitungwiza, anoti aoneswa nhamo nekuroyiwa nevanhu vaanoti vane godo avo vaanobika navo doro rekachasu vachiritengesa zvisinei nekuti mhando yehwahwa uhu haibvumidzwe pasi pemutemo.

Zvikoro zvakaparadzwa

HURUMENDE inoti iri kuita ongororo kuti ione hudzamu hwekuparadzwa kwakaitwa zvikoro nemafashamu emvura yedutumupengo yeCyclone Idai ayo akayeredza vamwe vana vechikoro nevadzidzisi kuChipinge neChimanimani munguva pfupi yadarika.

Mbeu itsva 19 dzenzimbe dzakaburwa

ZIMBABWE inonzi iri kutarisira kuwedzera huwandu hwenzimbe dziri kurimwa parizvino zvichitevera kuburwa kwedzimwe mhando itsva dzembeu yechirimwa ichi dzinosvika 19.

Kubviswa kwemutero we2% kworumbidzwa

MAKAMBANI emisika inotengesa fodya munyika nevarimi vorumbidzwa zvikuru danho rakatorwa neHurumende rekubviswa mutero we2 percent kuvarimi vefodya izvo vanoti zvichabatsira kuti vakwanise kuwana mari yakawanda vogodzokera muminda zvakanaka mwaka unotevera.

‘Cyclone Joanina haisvike muZim’

HURUMENDE iri kurambisisa mashoko ari kufambiswa neveruzhinji padandemutande – kusanganisira paWhatsApp – ayo anoti muZimbabwe muchaitika mamwe mafashamu emvura ine dutumupengo guru anodaidzwa kuti Cyclone Joanina.

‘Makunakuna, mweya yetsvina’

VACHIPAWO maonero avo pamusoro penyaya yekuti kuBulawayo kuna amai vakagarwa nhaka nemwanakomana wavo zvekuti vatova nemimba yake, vanoziva nezvechivanhu vanoti zviri kuitwa izvi makunakuna uye hazvitenderwe.

Dutumupengo Idai hakusi kuda kwaMwari

IMBWA HAIHUKURE SADZA

Chi-town Trade Fair yatanga

SANGANO reChitungwiza Publicity Association nemusi weChina chino richatsigira chirongwa chekuratidzira mabasa akasiyana anokwezva vatsigiri vemuno nevekunze kuti vave nekudyidzana nenyika ino munyaya dzekusimudzirwa kwemabhizimusi neupfumi.

‘Uku kuisa upenyu panjodzi’

NYAYA dzekubviswa kwepamuviri nerweseri imhosva huru munyika muno pasi pemutemo weTermination of Pregnancy Act sezvo zvichingoitwa bedzi zviri pamutemo kana pamuviri ipapo pachinge pachipinza utano hwaamai kana mwana panyatwa, pari pechibharo kana kuti pakaitwa nemakunakuna.