Mudzidzi wepacut akaba

MUDZIDZI wepaChinhoyi University of Technology (CUT) ava kufondoka pasina muripo zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekubira mumwe waanodzidza naye midziyo nezvimwe zvinhu zvinokosha $950.

Kana usiri chidhakwa, unozivei nezvekudhakwa?

CHIKWATA cheMbira dzeNharira chakaimba kuti, “Vana venyu munovapei? Kuganhira kunge zvikwengwenene?” Ndakapedzisira kuona kuganhira sekwandakaona kare.

Mutemo ngaurange vashambadzi vezvinyadzi

PASI rose, pamwe nemuZimbabwe, paita kusimukira kwekushandiswa kwemafoni echizvino-zvino nekutaurirana kwevanhu padandemutande (social media).

Muchato woparadzwa nemudzanga wefodya

VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mudzimai akati murume wake kana akamukumbira mari yekutenga mudzanga wefodya iye akarega kumupa, anomusvitsa kutsime nekumutuka.

‘Ndanzwa nekurohwa neveJoni’

MURUME wekuoneswa pfumvu nemuvakidzani wake uyo waanoti anoenda kupurazi kwake nevana vake pose pavanenge vabva ku“Joni” vachinomurwisa akazopotera kudare.

Basa rasarungano

SARUNGANO vaiva ambuya kana sekuru vedunhu vane utsome pamwe neuseza hwenharaunda nemararamiro aitarisirwa mutsika namagariro avatema. Sarungano aive akangofanana nebhuku, mudzidzisi kana sahwira nokuti aipa vana ruzivo pamusoro penharaunda, uye rairo dzinodiwa maringe neupenyu hwavatema.

Tsanangudzo yemadimikira

NDINOVIMBA kuti makava nenguva yakanaka chose muchiita tsvagurudzo yemibvunzo yatakapa muchikamu chakapfuura apo takaisa madimikira mashanu kuti mugoatsanangudza zvaanoreva. Muchikamu chino tinoda kupa tsanangudzo dzemadimikira iwayo kuti tifananidzewo nezvatakawana mutsvagurudzo tigokwanisa kuita gadziridzo dzedu.

Makunakuna ehanzvadzi mbune . . .Bhudhi (24) nasisi (16) Mugumbeze rimwe ‘. . . handaifunga kuti sisi angabata mimba’

Kingstone Mapupu NYAYA yekusiya vanakomana nevanasikana vabva zera vachirara mumba mumwe chetemo uye mumagumbeze mamwe chetewo yakonzera kuti hanzvadzi nehanzvadzi — vana vemunhu mumwe chete — vekuWhitecliffe, muHarare, vadanana zvekusvika…

Mudzimai ogara nevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI wekwaMambo Makope, kuChiweshe, uyo ane chipari chevarume vaviri akapotsa azviuraya svondo rapera apo akada kunwa muchetura nechikonzero chekuti sei Kwayedza yakanga yamubvunza nezvenyaya iyi. Winnie Mariyapera (74)…

Hatizi DeMbare: FC Platinum

Abel Ndooka SHASHA yeCastle Premiership FC Platinum inoti vatsigiri venhabvu kana vaongorori vemutambo uyu  ngavasafananidze chikwata chavo neDynamos iyo yakasvika kufainari yemutambo weCAF Champions League mugore ra1998. Zvikuru zvange zvichitarisirwa…