‘Musatye kutaridza zvipo zvenyu’

MUIMBI wemisambo yakasiyana inosanganisira mbira, reggae, mbakumba, mhande nechitendero – Tinashe Mubondera – uyo vazhinji vanoziva saTinashe Wembira anoti akakura mumhuri inonamata uye pakutanga aitya kutaridza chipo chake achifunga kuti aizonzi ari kuita zvemashave echivanhu izvo zvinopesana nechinamato chemhuri yake.

Shaya ari muchipatara

SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu, George ‘Mastermind’ Shaya, anoti anogamuchira zvakaitika kwaari zvekudamburwa gumbo rake rekurudyi zvichitevera kunetseka kwaakange aita nechirwere chepasi petsoka chinozivikanwa nekuti ganrene.

Kugocha nyama yembudzi

NYAMA yembudzi yakagochwa inonaka zvikuru, kunyanya apo vanhu vanenge vachidya vakatandara zvavo.

GMAZ yosimudzira kurimwa kwegorosi

SANGANO reGrain Millers Association of Zimbabwe (GMAZ) rakaumba komiti ichange ichiona nezvekurimwa kwegorosi pasi pechirongwa chekondirakiti yeNational Wheat Contract Farming Committee (NWCFC) munguva yemuchando kwemakore matatu anotevera.

Fembera Fembera Tione!

VAVERENGI, tinoda kuti mufembere, mutiudze kuti muimbi uyu — uyo ane mukurumbira mumusambo weZimdance-hall munyika muno uye anonzi akamborohwa nemudzimai wake gore rapera nekuda kwegodo rekuti asadyidzane nevatsigiri vake vechikadzi — ndiani.

Gudo svaku mubhedhuru

HOROMBA yegudo inonzi svondo rapera yakasvakuka ichibuda mubhedhuru repamwe pamba masikati machena kurukisheni rwePumula, kuBulawayo, apo mwana wepo akangovhura gonhi remumba munorara amai vake.

Zupco yovandudzwa

DARE reCabinet nemusi weChipiri svondo rino rakaita chisungo chekuti kambani yeZimbabwe United Passenger Company (ZUPCO) ivandudzwe mashandiro ayo kuitira kuti iite basa rayo rekutakura veruzhinji nemazvo.

Bopoto ragara riripo pachipari

SVONDO rino tinopedzisa mamwe madingindira makuru anobuda muna Manyambiri.

Njuzu dziri kuzambira mushana

VAGARI vemubhuku raMasiyandumbi, kwaMambo Chireya, kuGokwe, vari kugara vakabatira hana mumawoko nekutya makarwe nenjzu izvo zvinonzi zviri kuonekwa nguva nenguva mune rimwe dhamu reko.

‘Hurumende yakatigonera’

RUZHINJI rwevanhu rwuri kufara zvikuru nekuda kwekuunzwa kwakaitwa mabhazi ekutakura vanhu munzvimbo dzakasiyana neHurumende izvo zvakonzera kuti kufamba kuve nyore.