Mabhazi matsva 500

Felex Share NYIKA yeBelarus yazvipira kubatsira Zimbabwe nemabhazi anosvika 500 ekutakura veruzhinji uye danho iri riri kuuya panguva iyo kushanya kwakaitwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa kuEurasia kwave kutanga kuratidza zvibereko.…

Tambai nezvimwe, kwete naMwari

MAKORE ano kwava nemaporofita ari kungonyuka achiti ari kushandiswa nemweya waMwari uye vamwewo ndivo vari kuzvifananidza naJesu Kirisitu. Sesvondo rino, tine nyaya yemurume wemuHarare uyo ari kuzviti ndiye mwari. Sekutaura…

Mtukudzi ochemwa pasi rose

Mtandazo Dube NYIKA yose yakaita seyaungana mudundu reMadziva, kuMashonaland Central nemusi weSvondo wadarika uko kwaichengetwa muimbi anga aine mukurumbira muno nepasi rose, Dr Oliver “Tuku” Mtukudzi. Dr Mtukudzi, avo vakapihwa…

Voita mari nedikita raTuku

Abel Ndooka ZVICHITEVERA kushaika kwegamba renyika Dr Oliver “Tuku” Mtukudzi svondo rapera, vanhu “vanopisa” (piracy) nekutengesa mimhanzi pamusika wemukoto vave kukohwa pavasina kurima sezvo vari kuita mari nenziyo dzemushakabvu uyu.…

Vopura mari nemukaka wemombe

Kingstone Mapupu VARIMI vanopfuya mombe dzemukaka munzvimbo yemapurazi madiki yeMarirangwe kuBeatrice, kudunhu reMashonaland East vanoti basa ravo riri kufamba zvakanaka zvikuru uye vanoda kuwedzera huwandu hwemombe dzavanokama nedonzvo rekuvandudza danga…

Afa haamuke: Dr Masuka

Munyori weKwayedza VOTAURA pamusoro pemurume ari kuti akambofa akamuka uyu, mukuru wechipatara cheHarare Central Hospital, Dr Nyasha Masuka, vanoti hakuna munhu anofa achimuka. “Munhu haafe achimuka sezvinotaurwa izvi. Nekuoma kwezvinhu…

Vende rekudya nzimbe

Abel Ndooka SHASHA yemutambo wemadhirama, Steven Kaitano – uyo vazhinji vanoziva saDyson padhirama Mawoko Matema – anoti kunyangwe zvazvo vanhu vachimuona paterevhizheni serema kana kuti fuza, matenga amuzarukira mubasa rake…

‘Simudzirai kwamunobva’

Kingstone Mapupu VERUZHINJI – kunyanya vane mabhizimisi nevamwe vane zvigaro zvepamusoro – vari kukurudzirwa kuti vasimudzire nzvimbo dzavanobva muzvikamu zvakasiyana sezvedzidzo senzira yekudzorera kunharaunda. Kurudziro iyi yakaitwa nemumiriri weBuhera North…

Farirai kuverenga: Shumba

Daphne Machiri VANA vechikoro vari kukurudzirwa kuti vafarire kuverenga mabhuku senzira yekusimudzira dzidzo yavo uyewo nekuti vave neruzivo pamusoro pezvinhu zvakasiyana. Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba,…

Akafushira chitunha chemwana mutsime

Kingstone Mapupu MURUME wekuBattlefield, kuKadoma, akasungwa nemapurisa nemhosva yaari kupomerwa yekuponda mwanakomana wake nekumurova nechidanda, ndokuzonoviga mutumbi wake mutsime. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara vanotsinhira nyaya iyo…

×